Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 14

14
Ɀiʋi ɀaJeroboami naRehoboami nokurobga kwaʋo.
1Ɀino neŋguʋa iyo Abija mŋanakomana waJeroboami akarwara. 2Jeroboami akati kumukadzi wake: Simuka hako, ushandure ŋguʋo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJeroboami, ugoenda Shiro; tarira, muprofita Ahija uri’po, iye wakaɗeya kutaura pamsoro paŋgu, kuti ndizoʋa mambo waʋanhu aʋa. 3Uende neɀiŋgwa ɀinegumi, neɀiŋgwa ɀiɗuku, necitende coʋuci, uɀiise kwaari; iye ucakuʋudza ɀicaitirwa mŋana. 4Mukadzi waJeroboami akaita saiɀoɀo, akasimuka, akaenda Shiro, akaȿika paimba yaAhija. Ɀino Ahija wakaŋga asiŋgagoni kuʋona, nokuti meso ake akaŋga oʋonera madzerere nemhaka yokukwegura kwake. 5Ɀino Jehova akati kunaAhija: Tarira, mukadzi waJeroboami unoʋuya kuzokubvunza pamsoro pomŋanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura ɀokuti neɀokuti kwaari, nokuti kana acipinda, ucaɀiita somumŋe mukadzi. 6Ɀino Ahija wakati acinzwa kufamba kwetsoka dzake, acipinda pamukoʋa, akati: Cipinda hako, iwe mukadzi waJeroboami, unoɀiitireiko somumŋe? Nokuti ndatumŋa kwauri namashoko anorwadza mŋoyo. 7Enda, uʋudze Jeroboami, uti: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukudza pakati paʋanhu, ndikakuita mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, 8ndikabvarura ʋushe, ndikabgubvisa paimba yaDavidi, ndikabgupa iwe; asi iwe hauna‐kuʋa saDavidi muranda waŋgu, waiceŋgeta mirairo yaŋgu, akanditeʋera nomŋoyo wake wose, aciita ɀakanaka ɀoga pameso aŋgu; 9asi iwe wakaita ɀakaipa kupfuʋura ʋose ʋakakutaŋgira, ukandoɀiitira ʋamŋe ʋamŋari nemifananidzo yakaʋumbga, kuti unditsamŋise; ukandirashira shure kwomusana wako. 10Naiɀoɀo, tarira, ndicaitira imba yaJeroboami ɀakaipa; ndicaparadza kunaJeroboami ʋana ʋakomana ʋose, ʋaɗuku naʋakuru kuʋaIsraeri, nditȿaire cose imba yaJeroboami, somunhu unotȿaira marara kuȿikira abva ose. 11Aninani weimba yaJeroboami unofira paguta ucadyiwa nembga; unofira kusaŋgo ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga; nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo. 12Naiɀoɀo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzicipinda paguta, mŋana ucafa. 13ƲaIsraeri ʋose ʋacamucema, ʋakamuʋiga; nokuti ndiye woga waJeroboami ucaȿika pabgiro, nokuti maari makawanikwa cinhu cakanaka cakafadza Jehova Mŋari waIsraeri, paimba yaJeroboami. 14Jehova ucaɀimutsira ʋo mambo kuʋaIsraeri, ucaparadza imba yaJeroboami nomusi uyo. Nomusi uyo here? Ɀotoitwa ɀino. 15Nokuti Jehova ucaroʋa Israeri, sorutsaŋga runozunuŋguswa mumvura; ucadzura Israeri panyika ino yakanaka, yaakapa madziɓaɓa aʋo, nokuʋaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti ʋakaɀiitira matanda okunamata nawo ʋakatsamŋisa Jehova. 16Ucaisa Israeri kuʋaʋeŋgi nokuɗa kweɀiʋi ɀaJeroboami, ɀaakaita iye, neɀaakatadzisa Israeri ʋo naɀo. 17Ɀino mukadzi waJeroboami akasimuka, akaenda, akaȿika Tirza; wakati aciȿika pacikumbaridzo ceimba, mŋana akafa. 18ƲaIsraeri ʋose ʋakamuʋiga, ʋakamucema, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo womuranda wake muprofita Ahija. 19Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, kurwa kwake, nokuɓata kwake ʋushe, tarirai ɀakanyorwa pabuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri. 20Mazuʋa okuɓata ʋushe kwaJeroboami akaŋga ari makore makumi maʋiri namaʋiri; akaʋata namadziɓaɓa ake, Nadabi mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
21Ɀino Rehoboami mŋanakomana waSoromoni, wakaɓata ʋushe bgaJuda. Rehoboami wakaŋga anamakore makumi manna nerimŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anegumi namanomŋe paJerusarema, iro guta rakaŋga ratsaurwa naJehova pakati pamarudzi ose aIsraeri, kuti aise zita rake’po. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni. 22ƲaJuda ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakamutsa shuŋgu dzake neɀiʋi ɀaʋo ɀaʋakaŋga ʋaciita, ʋakapfuʋura ɀose ɀakaitwa namadziɓaɓa aʋo. 23Nokuti naiʋo ʋakaɀiʋakira matunhu akakwirira, neshoŋgwe, namatanda okunamata nawo paɀikomo ɀose ɀakakwirira, napasi pemiti yose mitema. 24Ʋasodomi ʋakaŋga ʋari’po ʋo panyika; iʋo ʋakaita nemitoʋo yokunyaŋgadza kwose kwendudzi dzakaŋga dzadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri. 25Ɀino pagore recishanu ramambo Rehoboami, Shishaki mambo weEgipita akakwira kuzorwa naJerusarema; 26akatora fuma yeimba yaJehova, nefuma yeimba yamambo; akaɀitora ɀose, akatora ʋo nhoʋo ɗuku dzose dzendarama dzakaŋga dzaitwa naSoromoni. 27Ipapo mambo Rehoboami akaita panɀimbo yadzo nhoʋo ɗuku dzendarira, akadziisa pamaʋoko aʋakuru ʋaʋarindi, ʋairinda mukoʋa weimba yamambo. 28Ɀino ŋguʋa dzose kana mambo acipinda mumba maJehova, ʋarindi ʋaidziɓata, ndokudzidzosera ɀe mumba maʋarindi. 29Mamŋe maɓasa aRehoboami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here pabuku yamakoronike amadzimambo aJuda. 30Asi kurwa kwaiʋa’po ŋguʋa dzose pakati paRehoboami naJeroboami. 31Rehoboami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni. Abijami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

Zvasarudzwa nguva ino

I Madzimambo 14: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda