Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 15

15
Abhiya mambo wokwaJudha (911—913 K.A.A.)
(2 Nhor 13:1—14:1)
1Mugore regumi nechisere rokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhiyamu akava mambo wokwaJudha. 2Akatonga kwamakore matatu ari muJerusaremu. Amai vake vainzi vaMaaka mwana waAbhisharomu. 3Akatevera nzira yezvitadzo zvose zvababa vake zvavakaita iye asati avapo, asingatevere Tenzi, Mwari wake nomwoyo wose semwoyo waiva navasekuru vake Dhavhidhi. 4Asi pamusana paDhavhidhi, Tenzi, Mwari wake akamupa kamoto kanoramba kachibvira muJerusaremu nokumupa mwana mukomana mushure make kuitira kuti Jerusaremu idzike midzi 5nokuti Dhavhidhi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi asingambotsauka kune zvose zvaakanga amutemera kuita upenyu hwake hwose kusiya chete panyaya iya yaUriya muHiti. 6Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu. 7Inga dzimwe nyaya dzezvaAbhiyamu nezvinhu zvose zvaakaita zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Hondowo yakaramba ichingovapo pakati paAbhiyamu naJerobhoamu.
8Abhiyamu akazovata oendawo kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga muguta raDhavhidhi. Mwanakomana wake Asa ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Asa mambo wokwaJudha (870—911 K.A.A.)
(2 Nhor 15:16—16:6)
9Mugore rechimakumi maviri rokutonga kwaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri, Asa akava mambo wokwaJudha. 10Akatonga kwamakumi mana amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Amai vake vainzi Maaka mwana waAbhisharomu. 11Asa uyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa navasekuru vake Dhavhidhi. 12Akadzinga munyika iyi varume vezvoupombwe hwaiitwa mukunamata akabvisa zvifananidzo zvokunamata zvose zvakanga zvagadzirwa nababa vake. 13Akabvisawo amai vake vaMaaka pachinzvimbo chouhosi nokuti vakanga vagadzira chimufananidzo chokunamata chakanyangara kwazvo chokumiririra Ashera mwari wechikadzi. Asa akatema chimufananidzo chavo akachipisa kukakova keKidhironi. 14Chete akarega nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziripo. Chakanga chiripo chete ndechokuti, Asa aitevera Tenzi nomwoyo wose upenyu hwake hwose. 15Akaunza zvinhu mumba yaTenzi zvakanga zvateketererwa kuna Mwari nababa vake nezvaakanga ateketerera kuna Mwari iye pachake, zvaiti: sirivha nendarama nemidziyo.
16Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose. 17Bhaasha mambo wokwaIsiraeri akakwira kundorwisa vokwaJudha akabva avakirira guta reRama kuitira kuti awane marambidziro vanhu kubva kwaAsa mambo wokwaJudha kana kuendako. 18Asa akatora sirivha yose nendarama yakanga yasiyiwa paupfumi hwemba yaTenzi nehwomumuzinda wamambo akapa makurukota ake. Mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, muzukuru waHezioni, mambo weSiria aigara muDhamasikusi achiti, 19“Ngatiitei chibvumirano imi neni sezvakanga zvakaita baba venyu nababa vangu. Onai ndakutumira chipo icho chendarama nesirivha. Imi moendawoka muparadze chibvumirano chenyu naBhaasha mambo wokwaIsiraeri kuitira kuti kwangu kuno uku abve.”
20Bhenihadhadhi akabvumirana namambo Asa akabva atumira vakuru vakuru vehondo yake kundorwisa maguta okwaIsiraeri akakurira Iyoni neDhani neAbherobhetimaaka neKineroti yose nenyika yose yokwaNafutari. 21Bhaasha paakazvinzwa akabva aregedza kuvakirira Rama akandogara kuTiriza.
22Mambo Asa akatumira vose vokwaJudha chirevo pasina aisara kuti vatakure mabwe okuRama namapango acho ainge achivakiswa naBhaasha. Mambo Asa akandovaka nazvo Gebha kwaBhenjamini neMizipa.
23Inga dzimwe nyaya dzezvaAsa nougamba hwake nezvinhu zvose zvaakaita uye maguta aakavaka, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Chaingovapo chete ndechokuti akwegura akaita chirwere chomutsoka. 24Asa akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa pamwechete namadzibaba ake muguta ravasekuru vake VaDhavhidhi. Mwanakomana wake Jehoshafati ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Nadhabhu mambo wokwaIsiraeri (910—919 K.A.A.)
25Nadhabhu mwanakomana waJerobhoamu akatanga kutonga kwaIsiraeri mugore rechipiri rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha. Akatonga kwaIsiraeri kwamakore maviri. 26Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, akatevera mugwara rababa vake nechitadzo chavo chavakapinza nacho vokwaIsiraeri muchitadzo.
27Bhaasha mwanakomana waAhiya wedzinza rokwaIsakari, akamupandukira. Bhaasha akamuuraya kuGibhetoni guta revaFirisitia sezvo Nadhabhu nevokwaIsiraeri vakanga vakakomba Gibhetoni. 28Nokudaro Bhaasha akamuuraya mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha ndiye akazotonga panzvimbo pake. 29Paakangova mambo akabva auraya vose vemba yaJerobhoamu. Hapana nomumwechete wemba yaJerobhoamu waakasiya ari mupenyu kusvikira atoiparadza sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo womuranda wake Ahiya wokuShiro. 30Izvozvi izvi zvakauyiswa nezvitadzo zvakaitwa naJerobhoamu nokupinza kwaakaita vokwaIsiraeri muchitadzo uyewo pamusana pokushatirisa kwaakaita Tenzi, Mwari weIsiraeri.
31Inga dzimwe nyaya dzezvaNadhabhu nezvinhu zvose zvaakaita, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo okwaIsiraeri. 32Hondo yakaramba ichingovapo pakati paAsa naBhaasha mambo wokwaIsiraeri upenyu hwavo hwose.
Bhaasha mambo wokwaIsiraeri (909—886 K.A.A.)
33Mugore rechitatu rokutonga kwaAsa mambo wokwaJudha Bhaasha mwanakomana waAhiya akatanga kutonga vokwaIsiraeri ari kuTiriza. Akatonga kwamakumi maviri amakore ana makore mana. 34Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi akatevera mugwara raJerobhoamu nechitadzo chake chaakapinza nacho vokwaIsiraeri mukutadza.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 15: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda