Ɀino Nadabi mŋanakomana waJeroboami, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri negore recipiri raAsa mambo waJuda, akaɓata ʋushe bgaIsraeri makore maʋiri. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake, nomuɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Israeri naɀo. Ipapo Baasha mŋanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira; Baasha akamuʋuraya paGibetoni raiʋa raʋaFiristia; nokuti Nadabi naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakomba Gibetoni. Baasha akamuʋuraya negore retatu raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe. Ɀino wakati acaŋgogara ʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaJeroboami; haana‐kusiyira Jeroboami mumŋe wakaŋga acafema, kuȿikira amuparadza, seɀaɀakarebga naJehova nomuromo womuranda wake Ahija muShiro; nokuɗa kweɀiʋi ɀaJeroboami, ɀaakaita iye, neɀaakatadzisa Israeri naɀo, nokuɗa kwokutambudza kwaakatambudza Jehova Mŋari waIsraeri nako. Ɀino mamŋe maɓasa aNadabi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri? Kurwa kwakaŋga kuri’po ŋguʋa dzose pakati paAsa naBaasha mambo waIsraeri. Negore recitatu raAsa mambo waJuda, Baasha mŋanakomana waAhija, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaʋaIsraeri ʋose paTirza, akaɓata makore makumi maʋiri namanna. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
Verenga chikamu I Madzimambo 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Madzimambo 15:25-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo