Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni panyaya yezita raTenzi akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. Akaenda kuJerusaremu akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura tunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni akamutaurira zvose zvaaifunga mumwoyo make. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana nechimwechete chakanga chakavanzika kuna mambo chaakatadza kumutsanangurira. Mukadzi uyu, mambo wokuShebha paakaona ungwaru hwese hwaSoromoni nemba yaakanga avaka, kwoti pateburu apa chokudya chaaidya kwozoti mugariro waiita makurukota ake naiwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaiva vakaita kwotiwo nevaimuperekera waini kwozoti mipiro yake yokupisa yaaipira kumba kwaTenzi, zvakamushayisa romuromo. Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvechokwadi. Asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga nameso angu. Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, muto wokupungurirwa haupedzese sadza, zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pane ungwaru hwenyu nokupfuma kwenyu. Zvavo vanhu venyu, chokwadi machinda enyu anogara ainemi vachinzwa zvavo ungwaru hwenyu hwakadai! Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kugadza imi umambo hweIsiraeri! Rudo rwaTenzi kuIsiraeri harupere, ndokusaka akakugadzai umambo kuti mutonge zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.” Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yaikwana makirogiramu zviuru zvina, nemikwende yakawanda kwazvo yetunonhuwirira neyematombo anokosha. Hapana kuzombouyazve tunonhuwirira twakawanda saitwotu twakapiwa mambo Soromoni namambokadzi wokuShebha. Chitsama chengarava dziya dzaHiramu dzokundotora ndarama kuOfiri dzakaunzawo mapango mazhinji kwazvo omuti omuarimugu namatombo anokosha. Mambo Soromoni akaita mitandariko yemapango omuarimugu yomumba maTenzi neyomumuzinda wamambo akavezawo zvipendani namadimbwa zvevaimbi. Hapana mapango omuarimugu akadai akazombouya kana kuonekwazve kusvikira pari nhasi. Mambo Soromoni akapa kumukadzi uya, mambo wokuShebha, zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengere zvaakanga anopiwa zvake naSoromoni. Iye akakotonoka akadzokera kunyika kwake pamwechete namakurukota ake.
Verenga chikamu 1 Madzimambo 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Madzimambo 10:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo