Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 10:1-13

1 Madzimambo 10:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire. Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka, zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa. Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi. Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa. Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu! Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisira noutsvene.” Akapa mambo matarenda zana namakumi maviri egoridhe, zvinonhuhwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuhwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni. Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uyewo zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko. Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo. Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake.

1 Madzimambo 10:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu. Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza. Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka, nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya. Akati kuna mambo, “Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi. Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa. “Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu. Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.” Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve. Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri. Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeranwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi. Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvepfuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.

1 Madzimambo 10:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni panyaya yezita raTenzi akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. Akaenda kuJerusaremu akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura tunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni akamutaurira zvose zvaaifunga mumwoyo make. Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana nechimwechete chakanga chakavanzika kuna mambo chaakatadza kumutsanangurira. Mukadzi uyu, mambo wokuShebha paakaona ungwaru hwese hwaSoromoni nemba yaakanga avaka, kwoti pateburu apa chokudya chaaidya kwozoti mugariro waiita makurukota ake naiwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaiva vakaita kwotiwo nevaimuperekera waini kwozoti mipiro yake yokupisa yaaipira kumba kwaTenzi, zvakamushayisa romuromo. Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvechokwadi. Asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga nameso angu. Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, muto wokupungurirwa haupedzese sadza, zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pane ungwaru hwenyu nokupfuma kwenyu. Zvavo vanhu venyu, chokwadi machinda enyu anogara ainemi vachinzwa zvavo ungwaru hwenyu hwakadai! Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kugadza imi umambo hweIsiraeri! Rudo rwaTenzi kuIsiraeri harupere, ndokusaka akakugadzai umambo kuti mutonge zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.” Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yaikwana makirogiramu zviuru zvina, nemikwende yakawanda kwazvo yetunonhuwirira neyematombo anokosha. Hapana kuzombouyazve tunonhuwirira twakawanda saitwotu twakapiwa mambo Soromoni namambokadzi wokuShebha. Chitsama chengarava dziya dzaHiramu dzokundotora ndarama kuOfiri dzakaunzawo mapango mazhinji kwazvo omuti omuarimugu namatombo anokosha. Mambo Soromoni akaita mitandariko yemapango omuarimugu yomumba maTenzi neyomumuzinda wamambo akavezawo zvipendani namadimbwa zvevaimbi. Hapana mapango omuarimugu akadai akazombouya kana kuonekwazve kusvikira pari nhasi. Mambo Soromoni akapa kumukadzi uya, mambo wokuShebha, zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengere zvaakanga anopiwa zvake naSoromoni. Iye akakotonoka akadzokera kunyika kwake pamwechete namakurukota ake.

1 Madzimambo 10:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino mambokadzi weSheba, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamsoro pezita raJehova, akaʋuya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu. Akaȿika Jerusarema naʋanhu ʋazhinji namakamera aitakura ɀinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, neɀibge ɀinokosha; ɀino wakati aȿika kunaSoromoni, akataurirana naye pamsoro peɀose ɀaiʋa mumŋoyo make. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakunecinhu cakaŋga cakaʋanzirwa mambo, caakaŋga asiŋgagoni kumuʋudza. Ɀino mambokadzi weSheba wakati aʋona kuŋgwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakaŋga aʋaka, neɀokudya ɀaiʋa patafura yake, nokugara kwaʋaranda ʋake, nokushumira kwaʋaɓatiri ʋake, neŋguʋo dzaʋo, naʋaɗiri ʋake, necikwiriso cake caaikwira naco kuimba yaJehova, akapera mŋeya. Akati kunamambo: Guhu randakanzwa munyika yaŋgu ramashoko enyu nokuŋgwara kwenyu rakaŋga riri raɀokwaɗi. Asi handina‐kutenda mashoko iwayo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai, handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yaɀo; kuŋgwara kwenyu neɀakanaka ɀenyu ɀinokunda ɀose ɀandakanzwa. Ʋarume ʋenyu ʋanomufarwa, naʋaranda ʋenyu aʋa ʋanomufarwa, ʋanomira pamberi penyu ŋguʋa dzose ʋacinzwa kuŋgwara kwenyu. Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro coʋushe caIsraeri; Jehova wakaɗa Israeri nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutoŋge nokururamisa. Akapa mambo matarenta anezana namakumi maʋiri endarama, neɀinonhuwira ɀizhinji kwaɀo, neɀibge ɀinokosha; ɀinonhuwira ɀakawanda ɀakaɗai, ɀakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weSheba, haɀina‐kuzoʋuyiswa ɀe. Ɀikepe ɀaHirami, ɀaibva Ofiri nendarama, ɀaiʋuya ʋo nemiti yemiarmugi neɀibge ɀinokosha ɀaibva Ofiri. Mambo akaita namatanda iwayo emiarmugi mbiru dzeimba yaJehova, nedzeimba yamambo, ʋuye mbira, nemiteŋgeranwa ɀaʋaimbi; miti yemiarmugi yakaɗai haina‐kumboʋuyiswa kana kuʋonekwa kuȿikira nhasi. Mambo Soromoni akapa mambokadzi weSheba ɀose ɀaaiɗa neɀaakakumbira; ɀimŋe ɀaakapiwa naSoromoni ɀefuma yake ɀisiŋgaʋereŋgwi. Naiɀoɀo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye naʋaranda ʋake.

1 Madzimambo 10:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)