Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 10

10
Kushanyira Soromoni kwomumwe mukadzi mambo wokuShebha
(2 Nhor 9:1–12)
1Mumwe mukadzi aiva mambo wokuShebha paakanzwa nezvomukurumbira waSoromoni panyaya yezita raTenzi akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. 2Akaenda kuJerusaremu akakutwa nezanzwe chairo ravanhu vaine nghamera dzakatakura tunonhuwirira nendarama yakawanda kwazvo namatombo anokosha. Paakasvika kuna Soromoni akamutaurira zvose zvaaifunga mumwoyo make. 3Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose. Hapana kana nechimwechete chakanga chakavanzika kuna mambo chaakatadza kumutsanangurira. 4Mukadzi uyu, mambo wokuShebha paakaona ungwaru hwese hwaSoromoni nemba yaakanga avaka, 5kwoti pateburu apa chokudya chaaidya kwozoti mugariro waiita makurukota ake naiwo munekairiro waiita vashandi vake nomupfekero wacho wavaiva vakaita kwotiwo nevaimuperekera waini kwozoti mipiro yake yokupisa yaaipira kumba kwaTenzi, zvakamushayisa romuromo.
6Akati kuna mambo, “Zvandakanzwa ndiri kunyika kwangu nezvenyu uye nezvoungwaru hwenyu ndezvechokwadi. 7Asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga nameso angu. Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, muto wokupungurirwa haupedzese sadza, zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pane ungwaru hwenyu nokupfuma kwenyu. 8Zvavo vanhu venyu, chokwadi machinda enyu anogara ainemi vachinzwa zvavo ungwaru hwenyu hwakadai! 9Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari wenyu akasarudza zvake kugadza imi umambo hweIsiraeri! Rudo rwaTenzi kuIsiraeri harupere, ndokusaka akakugadzai umambo kuti mutonge zvine ruenzaniso uye zviri pamutsetse kuitwe.”
10Mukadzi uyu akazopa mambo ndarama yaikwana makirogiramu zviuru zvina, nemikwende yakawanda kwazvo yetunonhuwirira neyematombo anokosha. Hapana kuzombouyazve tunonhuwirira twakawanda saitwotu twakapiwa mambo Soromoni namambokadzi wokuShebha.
11Chitsama chengarava dziya dzaHiramu dzokundotora ndarama kuOfiri dzakaunzawo mapango mazhinji kwazvo omuti omuarimugu namatombo anokosha. 12Mambo Soromoni akaita mitandariko yemapango omuarimugu yomumba maTenzi neyomumuzinda wamambo akavezawo zvipendani namadimbwa zvevaimbi. Hapana mapango omuarimugu akadai akazombouya kana kuonekwazve kusvikira pari nhasi.
13Mambo Soromoni akapa kumukadzi uya, mambo wokuShebha, zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengere zvaakanga anopiwa zvake naSoromoni. Iye akakotonoka akadzokera kunyika kwake pamwechete namakurukota ake.
Upfumi hwamambo Soromoni
(2 Nhor 9:13–29)
14Ndarama yaiuyiswa kuna Soromoni pagore, yairema makirogiramu makumi maviri ezviuru ane zviuru zvitatu 15pasingaverengerwe yemitero yaibvisiswa navamwe vemhindu dzokutengesa navashambadzi namadzimambo okuArabhia nokuvatongi vomumatunhu omunyika make.
16Mambo Soromoni akagadzira mazana maviri enhoo huru dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo huru imwechete yaiva yendarama makirogiramu ainge oda kuita manomwe. 17Akaitawo mazana matatu edzimwe nhoo ndiki dzendarama yakaitwa zvokupfurwa. Nhoo diki imwechete yaiva yendarama yairema makirogiramu aida kuita maviri. Mambo akandodzirongedza mumba iya yainzi Imbayesangorerebhanoni.
18Mambo akagadzirawo chigaro choumambo chomunyanga wenzou akaunamira nendarama yakanakisisa. 19Kundosvika pachigaro choumambo paiva namadanho matanhatu. Kuseri kwechigaro choumambo ichi kwaiva nomusoro wemombe. Kumativi uku chaiva nepokuisa maoko. Pakavambiranawo nepokuisa maoko paiva neshumba mbiri uku nouku kwechigaro choumambo chacho 20paine shumba gumi nembiri dzakamira pamadanho aye ose ari matanhatu dzakati imwe uku imwe uku padanho roga roga. Hapana mune imwe nyika makamboitwa zvakadai.
21Midziyo yose zvayo yokunwira yokwaSoromoni yaiva yendarama. Midziyowo yose yokuImbayesangorerebhanoni yaivawo yendarama chaiyo yakanakisisa pasina yesirivha, sirivha hapana aimboiverengawo sechinhu panguva yaSoromoni 22pamusana pokuti mambo akanga aine chitsama chengarava dzokuTashishi kugungwa pamwechete nedzaHiramu. Ngarava dzacho dzokuTashishi dzaiunza ndarama nesirivha nemunyanga wenzou netsoko namakudo.#10:22 Namakudo: MuchiHebheru izwi rakanzi makudo ringarevewo shiri inonzi pikoko. 23Nokudaro mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose apasi pano muupfumi noungwaru. 24Pasi pose vanhu vaidisa kwazvo kuona Soromoni kuti vanzwe ungwaru hwake hwakanga hwaiswa mumwoyo make. 25Gore negore vose ivava, munhu wose aiunza chipo chake chechinhu chesirivha kana chamachira kana chendarama kana mura kana chinonhuwirira kana mabhiza namanyurusi.
26Soromoni akaunganidza ngoro dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo. Aive nechiuru chimwechete chengoro dzehondo dzamabhiza dzine ngoro mazana mana navachairi vadzo gumi rezviuru rine zviuru zviviri vaakati vave mumaguta engoro dzehondo vamwe vari muJerusaremu namambo. 27Mambo akaita kuti muJerusaremu imomo sirivha iyi inge matombowo zvawo. Musidhariwo uyu wakanga wava kungewo zvawo mukuyu wokunyika yokumanhika#10:27 Yokumanhika: MuchiHebheru munoti Shefera. kuwanda. 28Mabhiza okwaSoromoni aiatora kuIjipiti nokuKue. Vanhu vokwamambo vaiita mhindu dzokutengesa ndovaiatengera kuKue. 29Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti, paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yamashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yamashekeri. Vanhu ivavo vemhindu dzokutengesa vokwamambo ndovaitozondotengeserawo madzimambo evaHiti nemadzimambo okuSiria zvinhu izvozvo.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Madzimambo 10: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda