Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.
Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza. Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka, nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya. Akati kuna mambo, “Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi. Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.
“Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu. Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.”
Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve.
Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri. Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeranwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi.
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvepfuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.