Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 60:1-12

Mapisarema 60:1-12 SNA2002

Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei. Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka. Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatinwisa waini inobata. Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi. Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure. Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, “Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti. Gireadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.” Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu? Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu. Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo. Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.