Mapisarema 60
60
Dhavhidhi anochema kukundwa kwavo navavengi vavo
Kumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weShushani Eduti; rwiyo rweMikitami rwaDhavhidhi, kudzidzisa; panguva yaakarwa naAraminaharaimi naAramizobha, Joabhu akadzoka akauraya paMupata woMunyu vaEdhomu vane zviuru zvine gumi nezviviri.
1Mwari, makatirasha, makatiparadza;
Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.
2Makabvundisa nyika; makaitsemura;
Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka.
3Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema;
Makatinwisa waini inobata.
4Makapa vanokutyai mureza,
Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi.
5Kuti vadikanwi venyu varwirwe,
Tiponesei noruoko rwenyu
rworudyi, mutipindure.
6Mwari akataura pautsvene hwake,
achiti, “Ndichafara kwazvo;
Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
7Gireadhi ndeyangu Manase ndeyangu;
Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu;
Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira;
Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu;
Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.”
9Ndianiko achandiisa muguta rakasimba?
Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
10Hamuna kutirasha here, Mwari?
Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
11Tibatsirei pamudzivisi wedu;
Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
12Muna Mwari tichaita noumhare;
Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 60: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002