Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 60:1-12

Nziyo 60:1-12 SCLB

Mwari makatirasa imi mukaparadza zvatinozvidzivirira nazvo makashatirwa. Dai machidzokera zvenyu kwatiri. Makazunza nyika mukaibvarura. Namai mitswe yayo nokuti iri kundengendeka. Makaita kuti vanhu venyu vatambure zvikuru; makatipa waini yakatidzedzeresa. Makasimudzira vanokutyai mureza kuti vahwande nechokwadi. Dzepfunde. Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe, tiponesei nesimba roruoko rwenyu mutipindurewo. Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti, “Ndichaganhura Shikemu ndichifara ndichagovawo mapani eSukoti. Nyika yeGiriadhi ndeyangu Manase ndeyangu Efuremu inguwani yangu, Judha ndiyo tsvimbo yangu youmambo Moabhu ndiyo mudziyo wangu wokugezera, pane yeEdhomu ndipo pandinokanda shangu dzangu Firisitia ichapururudzira kukunda kwangu.” Ko zvino ndiani anonditsvitsa kuguta kunhare yokuzvidzivirira naro muhondo. Ndiani achanditungamirira kuEdhomu? Hamuna kutirasa here nhai Mwari? Hamuchaperekedzi hondo dzedu, Mwari. Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo. Kana Mwari anesu tinorwisa zvine simba ndiye achatsikatsika mhandu dzedu.

Verenga chikamu Nziyo 60