Mapisarema 60:1-12
Mapisarema 60:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makatiramba, imi Mwari, uye mukatirwisa; makanga makatsamwa, zvino tidzorei henyu! Makazungunusa nyika mukaitsemura napakati; gadzirai henyu mitswe yayo, nokuti iri kudengenyeka. Makaratidza vanhu venyu nguva dzakaoma; makatipa waini inotidzedzeresa. Asi kuna vanokutyai, makasimudza mureza kuti urege kupfaranyurwa neuta. Sera Tiponesei uye tibatsirei noruoko rwenyu rworudyi, kuti avo vamunoda varwirwe. Mwari akataura ari muimba yake tsvene achiti: “Ndichaganhura Shekemu nesimba uye ndichayera Mupata weSukoti. Gireadhi nderangu, uye Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu yakasimba, Judha itsvimbo yangu. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambira, pamusoro paEdhomu ndipo pandinokanda shangu yangu; pamusoro paFiristia ndinopururudza mukukunda.” Ndianiko achandiisa kuguta rakakomberedzwa? Ndianiko achanditungamirira kuenda kuEdhomu? Hamusimi, iyemi Mwari, iyemi makatiramba here, uye mukarega kubuda nehondo dzedu? Tibatsirei pavavengi vedu, nokuti rubatsiro rwavanhu haruna maturo. NaMwari wedu, tichakunda, uye achatsikira vavengi vedu pasi.
Mapisarema 60:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei. Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozununguka. Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatinwisa waini inobata. Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwezvokwadi. Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure. Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, “Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti. Gireadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokuda kwangu.” Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu? Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu. Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo. Muna Mwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.
Mapisarema 60:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari makatirasa imi mukaparadza zvatinozvidzivirira nazvo makashatirwa. Dai machidzokera zvenyu kwatiri. Makazunza nyika mukaibvarura. Namai mitswe yayo nokuti iri kundengendeka. Makaita kuti vanhu venyu vatambure zvikuru; makatipa waini yakatidzedzeresa. Makasimudzira vanokutyai mureza kuti vahwande nechokwadi. Dzepfunde. Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe, tiponesei nesimba roruoko rwenyu mutipindurewo. Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti, “Ndichaganhura Shikemu ndichifara ndichagovawo mapani eSukoti. Nyika yeGiriadhi ndeyangu Manase ndeyangu Efuremu inguwani yangu, Judha ndiyo tsvimbo yangu youmambo Moabhu ndiyo mudziyo wangu wokugezera, pane yeEdhomu ndipo pandinokanda shangu dzangu Firisitia ichapururudzira kukunda kwangu.” Ko zvino ndiani anonditsvitsa kuguta kunhare yokuzvidzivirira naro muhondo. Ndiani achanditungamirira kuEdhomu? Hamuna kutirasa here nhai Mwari? Hamuchaperekedzi hondo dzedu, Mwari. Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo. Kana Mwari anesu tinorwisa zvine simba ndiye achatsikatsika mhandu dzedu.
Mapisarema 60:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari, makatirasha, makatiparadza; Makaŋga makatsamŋa; Haiwa, tidzorei. Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nokuti inozunuŋguka. Makaratidza ʋanhu ʋenyu ɀinhu ɀinorema; Makatinwisa waini inoɓata. Makapa ʋanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuɗa kweɀokwaɗi. Kuti ʋaɗikanwa ʋenyu ʋarwirwe, Tiponesei noruʋoko rwenyu rworudyi, mutipindure. Mŋari wakataura paʋutȿene bgake, aciti: Ndicafara kwaɀo; Ndicaganhura Shekemi, ndicayera mupata weSukoti. Gireadi ndeyaŋgu Manase ndeyaŋgu; Efraimi ʋo inhaʋiro yomusoro waŋgu; Juda ndiyo tȿimbo yaŋgu yoʋushe. Moabi ndiwo mudziyo waŋgu wokushambidzira; Pamsoro peEdomi ndi’po pandicakandira shaŋgu yaŋgu; Iwe Firistia, pururudza nokuɗa kwaŋgu. Ndianiko ucandiisa muguta rakasimba? Ndianiko ucandiperekedza ndiende Edomi? Hamuna‐kutirasha here, Mŋari? Hamuɓuɗi Mŋari, nehondo dzeɗu. Tiɓatsirei pamudziʋisi weɗu; Nokuti kuɓatsira kwaʋanhu hakunamaturo. MunaMŋari ticaita noʋumhare; Nokuti ndiye ucatsika ʋadziʋisi ʋeɗu pasi.
Mapisarema 60:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)