Kutanga kweVhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya, zvichinzi,
“Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’
Achakunatsira nzira yako;
Izwi raanodana murenje,
‘Gadzirai nzira yaIshe,
Ruramisai migwagwa yake.’ ”
Johani akauya achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi zvavo. Nyika yose yeJudhea, navanhu veJerusaremu vose vakaenda kwaari, vakabhabhatidzwa naye muna Jorodhani, vachireurura zvivi zvavo.
Johani akanga akapfeka nguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake; aidya mhashu nouchi hwesango. Akaparidza, achiti, “Shure kwango kunouya mumwe ane simba kupfuureni, wandisinokufanira kukotama kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene.”
Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGariria, akabhabhatidzwa naJohani muna Jorodhani. Pakarepo achibuda mumvura, akaona denga richizarurwa, naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva; izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu mudiwa, ndinokufarira.”
Pakarepo Mweya akamubudisira kurenje; akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushandira.
Johani akati asungwa, Jesu akasvika Gariria, achiparidza Vhangeri yaMwari