Mako 1
1
Johani Mubhabhatidzi
(Mateu 3:1-12; Ruka 3:1-18; Johani 1:19-38)
1Kutanga kweVhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. 2Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya, zvichinzi,
“Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’
Achakunatsira nzira yako;
3Izwi raanodana murenje,
‘Gadzirai nzira yaIshe,
Ruramisai migwagwa yake.’ ”
4Johani akauya achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi zvavo. 5Nyika yose yeJudhea, navanhu veJerusaremu vose vakaenda kwaari, vakabhabhatidzwa naye muna Jorodhani, vachireurura zvivi zvavo.
6Johani akanga akapfeka nguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake; aidya mhashu nouchi hwesango. 7Akaparidza, achiti, “Shure kwango kunouya mumwe ane simba kupfuureni, wandisinokufanira kukotama kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. 8Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene.”
Kubhabhatidzwa kwaJesu
(Mateu 3:13-17; Ruka 3:21, 22)
9Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGariria, akabhabhatidzwa naJohani muna Jorodhani. 10Pakarepo achibuda mumvura, akaona denga richizarurwa, naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva; 11izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu mudiwa, ndinokufarira.”
Kuedzwa kwaJesu
(Mateu 4:1-11; Ruka 4:1-13)
12Pakarepo Mweya akamubudisira kurenje; 13akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushandira.
Jesu anodana vadzidzi vokutanga
(Mateu 4:12-22; Ruka 4:14, 15; 4:1-11)
14Johani akati asungwa, Jesu akasvika Gariria, achiparidza Vhangeri yaMwari, 15achiti, “Nguva yazadziswa, ushe hwaMwari hwaswedera pedyo; tendeukai, mutende Vhangeri.”
16Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona Simoni, naAndireya, munun'una waSimoni, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. 17Jesu akati kwavari, “Nditeverei, kuti ndikuitei vabati vavanhu.”
18Vakasiya usvasvi hwavo pakarepo, vakamutevera.
19Akati apfuura zvishoma, akaona Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vachigadzira usvasvi muigwa. 20Akavadana pakarepo, vakasiya baba vavo Zebhedhi muigwa navaranda, vakamutevera.
Jesu anoporesa munhu aiva nomweya wakaipa paKapenaume
(Ruka 4:31-37)
21Vakapinda Kapenaume; pakarepo nomusi weSabata akapinda musinagoge, akadzidzisa. 22Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori.
23Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, 24achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.”
25Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” 26Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. 27Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.”
28Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGariria.
Jesu anoporesa vambuya vaPetirosi, navamwe
(Mateu 8:14-17; Ruka 4:38-44)
29Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndireya, Jakobho naJohani vanavo.
30Vambuya vaSimoni vakanga vavete vachirwara nefivha; pakarepo vakamuudza izvozvo. 31Akaenda, akavabata noruoko, akavamutsa; fivha ikavarega, vakavashandira.
32Madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa, navakanga vakabatwa nemweya yakaipa.
33Guta rose rakanga raungana pamusuo. 34Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.
35Mangwanani kuchine rima, akamuka akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo. 36Simoni, navakanga vanaye, vakamutevera.
37Vakamuwana, vakati kwaari, “Vose vanokutsvakai.”
38Akati kwavari, “Ngatiende kumwe, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidza ikokowo, nokuti ndizvo zvandakauyira.”
39Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo muGariria rose achibudisa mweya yakaipa.
Jesu anoporesa munhu ana maperembudzi
(Mateu 8:1-4; Ruka 5:12-16)
40Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.”
41Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Ndinoda, chinatswa.”
42Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. 43Zvino akamurayira kwazvo, akamuendesa pakarepo. 44Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
45Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
Zvasarudzwa nguva ino
Mako 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002