Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi, “Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzirira nzira yako. Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti, ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake.’ ” Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo. Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango. Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake. Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.” Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani. Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.” Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje. Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira. Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari
Verenga chikamu Mariko 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 1:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo