Mako 1:1-14
Mako 1:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,” “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani. Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake. Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.” Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.” Pakarepo Mweya akamutumira kurenje, uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira. Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.
Mako 1:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kutanga kweVhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. Sezvazvakanyorwa mumuporofita Isaya, zvichinzi, “Tarira, ‘Ndinotuma munyai wangu pamberi pako,’ Achakunatsira nzira yako; Izwi raanodana murenje, ‘Gadzirai nzira yaIshe, Ruramisai migwagwa yake.’ ” Johani akauya achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi zvavo. Nyika yose yeJudhea, navanhu veJerusaremu vose vakaenda kwaari, vakabhabhatidzwa naye muna Jorodhani, vachireurura zvivi zvavo. Johani akanga akapfeka nguo yamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake; aidya mhashu nouchi hwesango. Akaparidza, achiti, “Shure kwango kunouya mumwe ane simba kupfuureni, wandisinokufanira kukotama kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene.” Namazuva iwayo Jesu akabva Nazareta muGariria, akabhabhatidzwa naJohani muna Jorodhani. Pakarepo achibuda mumvura, akaona denga richizarurwa, naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva; izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu mudiwa, ndinokufarira.” Pakarepo Mweya akamubudisira kurenje; akava murenje mazuva makumi mana, achiedzwa naSatani; akagara nezvikara, vatumwa vakamushandira. Johani akati asungwa, Jesu akasvika Gariria, achiparidza Vhangeri yaMwari
Mako 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi, “Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzirira nzira yako. Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti, ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake.’ ” Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo. Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango. Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake. Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.” Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani. Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.” Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje. Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira. Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari
Mako 1:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kutaŋga kweEvaŋgeri yaJesu Kristu, Mŋanakomana waMŋari. Seɀaɀakanyorwa mumuprofita Isaya, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakunatsira nzira yako; Inzwi rounoɗana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake. Johane wakaʋuya acibapatidza murenje, aciparidza rubapatidzo rwokutendeʋuka ʋakaŋganwirwe ɀiʋi. Nyika yose yeJudea, naʋeJerusarema ʋose ʋakaɓuɗira kwaari, ʋakabapatidzwa naye murwizi rwaJoridani, ʋaciɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo. Johane wakaŋga akapfeka ŋguʋo yamakushe ekamera, nebanhire reganda muciʋuno cake; waidya mhashu noʋuci bgesaŋgo. Akaparidza, aciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya mumŋe unesimba kupfuʋureni, wandisino‐kufanira kukotama kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu dzake. Ini ndakakubapatidzai nemvura, asi iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene. Namazuʋa iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabapatidzwa naJohane muJordani. Pakarepo aciɓuɗa mumvura, akaʋona ɗeŋga ricizarurwa, noMŋeya uciɓurukira pamsoro pake senjiʋa; inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, ndinokufarira. Pakarepo Mŋeya wakamuɓuɗisira kurenje; akaʋa murenje mazuʋa makumi manna, aciidzwa naSatani; wakaŋga ari kuɀikara, ʋatumŋa ʋakamushumira. Johane wakati asuŋgwa, Jesu akaȿika Garirea, aciparidza Evaŋgeri yaMŋari
Mako 1:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)