Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 1

1
I: ZVAKAITIKA JESU ASATI ATANGISA BASA RAKE
Kuparidza kwaJohani Muombeki
(Mat 3:1–12; Ruka 3:1–18; Joh 1:19–28)
1Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, 2sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi,
“Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako,
ichagadzirira nzira yako.
3Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti,
‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi,
ruramisai nzira dzake.’ ”
4Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. 5Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo.
6Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango. 7Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake. 8Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.”
Kuombekwa kwaJesu nokuedzwa kwake
(Mat 3:13—4:22; Ruka 3:21–22; 4:1–13)
9Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani. 10Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva. 11Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.” 12Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje. 13Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira.
II: KUPARIDZA KWAJESU MUDUNHU REGARIREA
Jesu anodaidza vabvuvi vana
(Mat 4:12–22; Ruka 4:14–15; 5:1–11)
14Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari 15achiti, “Nguva iya yazokwana zvino, umambo hwaMwari hwava pedyo. Chipindukai mutendhe Shoko Rakanaka.”
16Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove. 17Jesu akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai kuti muve vabvuvi vavanhu.” 18Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. 19Kuzoti angoti fambe–fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi. 20Pakarepo Jesu akavadaidza; ivo vakasiya baba vavo Zebhedhi navashandi vari mugwa, vakatevera Jesu.
Murume aiva nomweya wakaipa
(Ruka 4:31–37)
21Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. 22Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. 23Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba 24achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” 25Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” 26Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. 27Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” 28Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea.
Jesu anoporesa vanhu vazhinji
(Mat 8:14–17; Ruka 4:38–41)
29Zvino ivo pakarepo vakabva vabva pasinagogu vakandopinda mumba mavanaSimoni naAndireya vaina Jemusi naJohani. 30Zvino vambhuya vaSimoni vakanga varere muviri wavo wakanga uchipinda chando. Vakabva vataurira Jesu nezvavo. 31Jesu akaenda akavabata ruoko ndokuvasimudza, denda ndokubva ravasiya, ivo ndokuvashandira.
32Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. 33Guta rose rakaungana pamusuo. 34Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva.
Jesu anoparidza muGarirea
(Ruka 4:42–44)
35Mangwanani–ngwanani, kuchiri kutema, Jesu akamuka akabuda achienda kunzvimbo isina vanhu kwaakandonamata ikoko. 36Simoni navamwe vaiva naye vakazotevera vachimutsvaka. 37Kuzoti vamuwana, vakati kwaari, “Vanhu vose vari kukutsvakai.” 38Ipapo Jesu akati kwavari, “Handeyi kumwe, kuna maguta ari pedyo ndigondoparidzawo ikoko, nokuti izvi ndizvo zvandakavinga.” 39Nokudaro akafamba neGarirea yose achiparidza mumasinagogu avo, achidzingawo mweya yakaipa.
Jesu anoporesa munhu aiva namaperembudzi
(Mat 8:1–4; Ruka 5:12–16)
40Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” 41Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.”
42Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa. 43Zvino Jesu akamutsindidza akamuendesa pakarepo 44achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” 45Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose.

Zvasarudzwa nguva ino

Mariko 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda