Zvino akati achinyengetera ari oga, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?” Vakapindura, vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi;” vamwe, “Eria; vamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.”
Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu waMwari.”
Akavaudza zvikuru, nokuvarayira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo; achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswa nezuva retatu.”
Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
“Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuponesa. Nokuti munhu achabatsirweiko, kana awana nyika yose, akazvirasa nokuzvitadzira?
“Nokuti ani naani anonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazofi, vasati vaona ushe hwaMwari.”
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu. Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.”
Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!”
Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.
Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vazhinji-zhinji vakamugamuchira. Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga. Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”
Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.”
Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
Vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.
Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake, “Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.”
Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.
Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari. Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake, akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.”
Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.”
Asi Jesu akati kwaari, “Musamudzivisa; nokuti asingapesani nemi, anemi.”
Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusaremu, akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.
Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusaremu. Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?” Asi iye akatendeuka, akavarayira. Ipapo vakaenda kune mumwe musha.
Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.”
Jesu akati kwaari, “Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kune mumwe, “Nditevere.” Iye akati, “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.” Asi iye akati kwaari, “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.”
Mumwezve akati, “Ndichakuteverai Ishe, asi munditendere henyu ndimbondoonekana navari mumba mangu.”
Asi Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu angati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, angafanirwa noushe hwaMwari.”