Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9:18-62

Ruka 9:18-62 SCLB

Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?” Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.” Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.” Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.” Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona. Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye. Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga. Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.” Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.” Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake. Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari. Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake. Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi. Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose. Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake. Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.” Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.” Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.” Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu. Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire. Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu. Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?” Asi akatendeuka akavatsiura vakabva vaenda kunomumwe musha. Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.” Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.” Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”

Verenga chikamu Ruka 9