Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9:18-62

Ruka 9:18-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?” Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.” Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.” Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.” Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona. Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye. Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga. Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.” Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.” Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake. Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari. Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake. Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi. Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose. Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake. Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.” Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.” Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.” Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu. Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire. Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu. Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?” Asi akatendeuka akavatsiura vakabva vaenda kunomumwe musha. Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.” Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.” Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 9

Ruka 9:18-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?” Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kubva kuvakafa.” Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.” Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake. Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.” Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa. Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake. Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene. Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari.” Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera. Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni. Varume vaviri, Mozisi naEria, vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema. Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye. Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva. Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore. Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.” Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo. Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.” Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.” Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake. Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake, “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.” Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo. Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani. Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake. Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.” Johani akati, “Tenzi, takaona mumwe murume achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.” Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.” Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema. Uye akatuma nhume pamberi pake, dzikapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu; asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema. Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?” Asi Jesu akatendeuka akavatsiura, uye akabva akaenda kuno mumwe musha. Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.” Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.” Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 9

Ruka 9:18-62 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati achinyengetera ari oga, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?” Vakapindura, vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi;” vamwe, “Eria; vamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavaudza zvikuru, nokuvarayira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo; achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswa nezuva retatu.” Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere. “Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuponesa. Nokuti munhu achabatsirweiko, kana awana nyika yose, akazvirasa nokuzvitadzira? “Nokuti ani naani anonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazofi, vasati vaona ushe hwaMwari.” Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu. Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye. Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.” Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore. Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!” Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona. Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vazhinji-zhinji vakamugamuchira. Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga. Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru. Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.” Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.” Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake. Vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake, “Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku. Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari. Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake, akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.” Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.” Asi Jesu akati kwaari, “Musamudzivisa; nokuti asingapesani nemi, anemi.” Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusaremu, akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira. Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusaremu. Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?” Asi iye akatendeuka, akavarayira. Ipapo vakaenda kune mumwe musha. Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Akati kune mumwe, “Nditevere.” Iye akati, “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.” Asi iye akati kwaari, “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.” Mumwezve akati, “Ndichakuteverai Ishe, asi munditendere henyu ndimbondoonekana navari mumba mangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu angati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, angafanirwa noushe hwaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 9

Ruka 9:18-62 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvakaitika kuti zvaakanga achinamata oga, vadzidzi vakanga vanaye. Akavabvunza kuti, “Ko vanhu vanonditi ndini ani?” Ivo vakapindura vachiti, “Vamwe vanoti ndimi Johani Muombeki; vamwewo vachiti, ndimi Eriya vamwewo vachiti, muri mumwe wavaporofita vakare wakamuka.” Iye ndokuti kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu waMwari.” Akavatsindidza achivaudza kuti vasambotaurira izvi kana munhu zvake achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvikuru agorambwa navakuru vakuru navaPristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.” Jesu akati kuna vose, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake zuva nezuva achinditevera. Nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo nouyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu, achahuponesa. Nokuti zvinobatsireiko munhu kuwana zvinhu zvapasi pose asi achizvirasa achizviparadza iye pachake. Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu, Mwanakomana womunhu achamunyarawo kana wouya mumbiri yake nomumbiri yaBaba neyavatumwa vatsvene. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingambozoravira rufu vasati vaona umambo hwaMwari.” Mushure memazuva masere Jesu ataura izvi, akatora Pita naJohani naJemusi vakakwira mugomo kundonamata. Paakanga achinamata, uso hwake hwakasanduka, hanzu dzake dzikachena zvokungarikira kwazvo. Ndiye pakarepo varume vaviri, Mosesi naEriya vakanga vava kutaura naye, kutarisika kwavo kwaipenya. Vaitaura nezvokutisiya kwake kwaaizozadzisa kuJerusaremu. Zvino Pita navamwe vaaiva navo vakanga vabatwa kwazvo nehope. Pavakati pepu vakaona kupenya kwake navaviri vaya vamire naye. Varume vaya pavakanga vavakuparadzana naye, Pita akati kuna Jesu, “Tenzi, zvatinakira kuti tive pano. Regai tiite matumba matatu rimwe renyu, rimwe raMosesi nerimwe raEriya.” Akanga asingachazivi zvaaitaura. Paaitaura izvi, gore rakauya rikavafukidza vakabatwa nokutya pavaipinda mugore iroro. Izwi rakabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu musarudzwa wangu, munzwei.” Izwi riya parakanga rapedza kutaura, Jesu akazongoonekwa ava oga. Vakazvinyarara, hapana wavakataurira pamazuva iwayo pane zvavakanga vaona. Pazuva rakatevera racho, pavaiburuka mugomo, gungano guru rakasangana naye. Hoyo mumwe murume akadaidzira mugungano iroro achiti, “Mudzidzisi ndapota ndionereiwo mwanakomana wangu anongova ndiye mwana wangu mumwechete oga. Zvino mweya unongomubata obva ava kuzhamba uchimugwigwinisa kusvikira ava kupupa furo. Unomurwadzisa usingambomusiya. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kukwanisa.” Jesu akapindura achiti, “Aiwaiwa rudzi urwu, rudzi rusingatendi! Rudzi rwakarasika zvarwo, ndichava nemi kusvikira rinhiko ndichikuitirai mwoyo murefu? Chiuyai nomwana wenyu kuno.” Paakanga achiuya, mweya wakaipa wakamurigira pasi ukamupfurupfutisa. Jesu akatsiura mweya wetsvina akaporesa mukomana uya akamupa kuna baba vake. Vose vakakatyamadzwa noukuru hwaMwari. Pavakanga vachiri kushamiswa kudaro nezvose zvaakaita akati kuna vadzidzi vake. Regai mazwi aya anyatsopinda munzeve dzenyu okuti, “Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu.” Asi ivo havana kuzvinzwisisa zvaakataura kwavari. Zvakanga zvakavanzwa kwavari kuti varege kuzvinzwisisa uye vaitya kumubvunza zvaaitaura izvi. Pakamuka nharo pakati pavo yokuti ndiani mukuru kupinda vose. Jesu paakaona pfungwa dzaiva mumwoyo mavo akatora mwana muduku akamuisa parutivi pake. Akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muzita rangu anogamuchira ini uyewo ani naani anondigamuchira anogamuchirawo uyo akandituma nokuti uyo anenge ari muduku wokupedzisira pakati penyu mose ndiye mukuru iyeyo.” Johani akadavirawo woti, “Tenzi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti haasi wenzira imwechete nesu.” Jesu akati kwaari, “Musamurambidze nokuti munhu asingapikisani nemi ari kudivi kwenyu.” Mazuva paakanga osvika okuti Jesu achikwidzwa kudenga, akananga kuJerusaremu. Akatuma nhume pamberi pake dzakaenda dzikapinda munomumwe musha wavaSamaria kuti vamugadzirire. Asi vanhu ivavo havana kuda kumugamuchira nokuti akanga akananga kuJerusaremu. Vadzidzi vake, vana Jemusi naJohani pavakazviona vakati, “Tenzi munoda here kuti titi moto utozomoke kudenga uvaroromese?” Asi akatendeuka akavatsiura vakabva vaenda kunomumwe musha. Pavainge vachifamba nenzira, mumwe murume akati kwaari, “Ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru uye shiri dzedenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana kana pokutsamira musoro wake.” Akatiwo kunomumwe, “Nditevere.” Asi iye akati, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi iye akamuti, “Rega vafi vavige vakafa vavo. Chako iwe kuenda kundoparidza umambo hwaMwari.” Mumwewo akati, “Ndichakuteverai, Tenzi, asi regai nditange ndambondoonekana nevari kumusha kwangu.” Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu anobata gejo asi iye achicheuka shure angakodzere umambo hwaMwari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 9

Ruka 9:18-62 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati acinyeŋgetera ari oga, ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanaye; akaʋabvunza, aciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoti ndini aniko? Ʋakapindura, ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe ɀe, kuti mumŋe waʋaprofita ʋekare wamuka. Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMŋari. Akaʋaʋudza ɀikuru, nokuʋaraira kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo; aciti: Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji, nokurashwa naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa nezuʋa retatu. Ɀino wakati kunaʋose: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake zuʋa rimŋe nerimŋe, anditeʋere. Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguponesa. Nokuti munhu ucaɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akaɀirasha nokuɀitadzira? Nokuti aninani unonyara pamsoro paŋgu namashoko aŋgu, Mŋanakomana womunhu ucanyara ʋo pamsoro pake musi waanoʋuya nokubginya kwake nokwaƂaɓa, nokwaʋatumŋa ʋatȿene. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano ʋasiŋgazonzwi rufu, ʋasati ʋaʋona ʋushe bgaMŋari. Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuʋa aneŋge masere, akatora Petro naJohane naJakobo, akakwira mugomo kundonyeŋgetera. Ɀino wakati acinyeŋgetera, mugarire weciso cake ukashanduka, ŋguʋo dzake dzikacena dzikapenya. Ɀino tarira, ʋarume ʋaʋiri, ʋanaMosesi naEria, ʋakaʋonekwa ʋacitaurirana naye. Ʋakaʋonekwa ʋacibginya, ʋakataura ɀokuenda kwake, kwaakaŋga ondopedzisa paJerusarema. Ɀino Petro, naʋaiʋa naye, ʋakaŋga ʋaɓatwa nehope; asi ʋakati ʋacipepuka, ʋakaʋona kubginya kwake, naʋarume ʋaʋiri ʋamire naye. Ɀino ʋakati ʋoparadzana naye, Petro akati kunaJesu: Tenzi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria, asiŋgaziʋi ɀaanoreʋa. Wakati acataura iɀoɀo, gore rikaʋuya, rikaʋafukidza; ʋakatya ʋacipinda mugore. Ipapo inzwi rakabva mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu, musanaŋgurwa waŋgu, mumunzwei! Inzwi rakati raenda, Jesu akaʋonekwa ari oga. Ʋakanyarara, ʋakasaʋudza munhu namazuʋa iwayo cinhu cimŋe caʋakaŋga ʋaʋona. Nezuʋa rinoteʋera ʋakati ʋaɓuruka mugomo, ʋazhinji‐zhinji ʋakamugamucira. Ɀino mumŋe murume pakati paʋazhinji wakaɗana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mŋanakomana waŋgu, nokuti ndiye mŋana waŋgu mumŋe woga. Tarirai, mŋeya unomuɓata, ɀino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, acipupuma furo; hauɗi kumurega, asi unomurwadzisa ɀikuru. Ndakakumbira kuʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka; ndicagara nemi kuȿikira riniko, nokukuitirai mŋoyo murefu? Ʋuya pano nomŋanakomana wako. Akati acaʋuya, mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa ɀikuru. Asi Jesu wakaraira mŋeya wetȿina, akaporesa mŋana, akamudzosera kunaɓaɓa ʋake. Ʋose ʋakashamiswa noʋukuru bgaMŋari. Ɀino ʋose ʋacashamiswa neɀose ɀaakaita, akati kuʋadzidzi ʋake: Mashoko awa ŋgaapinde munzeʋe dzenyu; nokuti Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu. Asi iʋo haʋana‐kunzwisisa kutaura uku; ʋakaŋga ʋakuʋanzirwa, kuti ʋarege kukunzwisisa; ʋakatya kumubvunza pamsoro pokutaura uku. Ɀino nharo dzikamuka pakati paʋo, kuti ndiani mukuru kwaʋari. Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa kufuŋga kwemŋoyo yaʋo, akatora mŋana muɗuku, akamuisa parutiʋi rwake, akati kwaʋari: Aninani unogamucira mŋana uyu muɗuku muzita raŋgu, unondigamucira ini, ʋuye aninani unondigamucira ini, unogamucira wakandituma; nokuti muɗuku kwamuri mose, ndiye mukuru. Johane akapindura, akati: Tenzi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haateʋeri nesu. Asi Jesu akati kwaari: Musamudziʋisa; nokuti usiŋgapesani nemi, unemi. Mazuʋa okukwidzwa kwake akati osweɗera, wakaramba akarinzira ciso cake kuenda Jerusarema, akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha waʋaSamaria kundomugadzirira. Asi haʋana‐kumugamucira, nokuti ciso cake cakaŋga cakariŋgira Jerusarema. Ʋadzidzi ʋake, Jakobo naJohane, ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ishe, munoɗa kuti titi mŋoto uɓuruke kuɗeŋga, uʋaparadze here? Asi iye wakatendeʋuka, akaʋaraira. Ipapo ʋakaenda kunomumŋe musha. Ɀino ʋakati ʋacifamba munzira, mumŋe munhu akati kwaari: Ndicakuteʋerai pose pamunoenda. Jesu akati kwaari: Mhuŋgubge dzinemŋena, neshiri dzokuɗeŋga dzinamatendere, asi Mŋanakomana womunhu haana‐paaŋgatsamidza musoro wake. Akati kunomumŋe: Nditeʋere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoʋiga ɓaɓa ʋaŋgu. Asi iye akati kwaari: Rega, ʋakafa ŋgaʋaʋige ʋakafa ʋaʋo; asi iwe, enda undoparidza ʋushe bgaMŋari. Mumŋe ɀe akati: Ndicakuteʋerai Ishe, asi munditenderei henyu ndimbondowonekana naʋari mumba maŋgu. Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu uŋgati kana aisa ruʋoko rwake paɓadza, akaceukira shure, uŋgafanirwa noʋushe bgaMŋari.