Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 9

9
Vane gumi navaviri vanotumwa kuparidza nokuporesa
(Mateu 10:5-15; 14:1-12; Mako 6:7-29)
1Zvino akaunganidza vane gumi navaviri, akavapa simba nechiremera pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara. 2Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nokuporesa.
3Akati kwavari, “Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguo mbiri. 4Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugozobvapo. 5Uye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.”
6Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Vhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.
Herodhi anokanganiswa pamusoro paJohani Mubhabhatidzi
7Zvino ishe Herodhi, akanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johani akamuka kuvakafa; 8Vamwe kuti Eria aonekwa; navamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.
9Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akatsvaka kumuona.
Vane zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu
(Mateu 14:13-21; Mako 6:30-44; Johani 6:1-14)
10Vapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Bhetisaidha. 11Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavaudza zvoushe hwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.
12Zuva rakati rovira, vane gumi navaviri vakauya, vakati kwaari, “Endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano tiri murenje.”
13Asi iye akati kwavari, “Muvape imi, vadye.” Vakati, “Isu hatine nezvingwa zvingapfuura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu vose zvokudya.” 14Nokuti vaiva varume vanenge zviuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu”
15Vakaita kudaro, vakavagarisa vose. 16Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji. 17Vakadya, vakaguta vose; vakaunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu ane gumi namaviri.
Petirosi anopupura kuti Jesu ndiye Kristu
(Mateu 16:13-20; Mako 8:27-30)
18Zvino akati achinyengetera ari oga, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?” 19Vakapindura, vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi;” vamwe, “Eria; vamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.”
20Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu waMwari.”
21Akavaudza zvikuru, nokuvarayira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo; 22achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswa nezuva retatu.”
Kutevera Jesu
(Mateu 16:24-28; Mako 8:34—9:1)
23Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
24“Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuponesa. 25Nokuti munhu achabatsirweiko, kana awana nyika yose, akazvirasa nokuzvitadzira?
26“Nokuti ani naani anonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
27“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazofi, vasati vaona ushe hwaMwari.”
Kubwinya kwaJesu pagomo
(Mateu 17:1-8; Mako 9:2-8)
28Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera. 29Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya. 30Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye. 31Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu. 32Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
33Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.”
34Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
35Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!”
36Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.
Jesu anoporesa mukomana ane zvipusha
(Mateu 17:14-18; Mako 9:14-27)
37Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vazhinji-zhinji vakamugamuchira. 38Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga. 39Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru. 40Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”
41Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.”
42Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
43Vose vakashamiswa noukuru hwaMwari.
Jesu anotaura zvorufu rwake nokumuka kwake
(Mateu 17:22-23; Mako 9:30-32)
Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake, 44“Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.”
45Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.
Mukuru paushe hwokudenga
(Mateu 18:1-5; Mako 9:33-40)
46Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari. 47Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake, 48akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.”
49Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.”
50Asi Jesu akati kwaari, “Musamudzivisa; nokuti asingapesani nemi, anemi.”
VaSamaria vanoramba kugamuchira Jesu
51Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusaremu, 52akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.
53Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusaremu. 54Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?” 55Asi iye akatendeuka, akavarayira. 56Ipapo vakaenda kune mumwe musha.
Kutevera Jesu
(Mateu 8:19-22)
57Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.”
58Jesu akati kwaari, “Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” 59Akati kune mumwe, “Nditevere.” Iye akati, “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.” 60Asi iye akati kwaari, “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.”
61Mumwezve akati, “Ndichakuteverai Ishe, asi munditendere henyu ndimbondoonekana navari mumba mangu.”
62Asi Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu angati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, angafanirwa noushe hwaMwari.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 9: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda