Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 24

24
Rugwaro rwokurambana
1“Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, zvino akasafara naye, nokuti wawana chinhu chisina kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruoko rwake, ndokumubvisa mumba make. 2Zvino kana abuda mumba make, ungandowanikwa nomumwe murume. 3Kana murume uyuzve akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyange murume uyu akazofa, iye wakazomuwana, 4murume wake wokutanga, wakadeya kumubvisa, haangamuwanizve, zvaakasvibiswa; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako.
5“Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana.
Zvokupika nezvokuba nezvamaperembudzi
6“Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruve rubatso; nokuti unotora rubatso; rwoupenyu hwomunhu.
7“Kana munhu akwanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako. 8Chenjera pahosha yamaperembudzi kuti uchengete nokuita zvakanaka zvamunodzidziswa navapristi vaRevhi; sezvandakavaraira, ndizvo zvamunofanira kuita. 9Rangarira zvakaitirwa Miriami naJehovha Mwari wako panzira, muchibuda Ijipiti.
10“Kana ukaposwa nowokwako chinhu chipi nechipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora rubatso rwake. 11Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akubudisire kunze rubatso rwake. 12Kana achinge ari murombo haufaniri kundovata norubatso rwake. 13Unofanira kumudzosera rubatso kana zuva rovira, kuti avate nenguo yake, akuropafadze; ucharuramiswa pamusoro paizvozvo naJehovha Mwari wako.
14“Usamanikidza muranda unokubatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumwe wehama dzako, kana wavatorwa vako vari munyika yako, mukati mamasuo ako. 15Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nokuti murombo, nomwoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri.
16“Madzibaba haafaniri kuurawa pamusoro pavana vavo, navana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo; munhu mumwe nomumwe anofanira kuurayirwa zvivi zvake.
Tsitsi kuchirikadzi, nenherera, navatorwa
17“Usatongera mutorwa kana nherera zvisina kururama; uye haufaniri kutora nguo yechirikadzi kuita rubatso nayo. 18Asi unofanira kurangarira kuti wakanga uri muranda paIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikinura ipapo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi.
19“Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakanganwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora; chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako.
20“Kana uchizunza muti wako womuorivhi, usatsvakisisa pamatavizve; zvinofanira kuva zvomutorwa nenherera, nechirikadzi. 21Kana uchiunganidza mazambiringa omunda wako wemizambiringa, haufaniri kutsvakisisazve; anofanira kuva omutorwa, nenherera, nechirikadzi. 22Unofanira kurangarira kuti wakanga uri muranda panyika yeIjipiti; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi.

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 24: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda