Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 23

23
Vanhu vanodziviswa paungano yaJehovha
1“Munhu wakakuvadzwa manhu ake kana chirema chake haafaniri kupinda paungano yaJehovha.
2“Mwana woupombwe haafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi vana vake havafaniri kupinda paungano yaJehovha.
3“MuAmoni nomuMoabhu havafaniri kupinda paungano yaJehovha; kunyange kusvikira parudzi rwegumi mumwe wokwavo haafaniri kupinda paungano yaJehovha nokusingaperi; 4nokuti havana kundokuchingurai nezvokudya nemvura panzira, nguva yamakabuda Ijipiti; uye nokuti vakatsvaka kuripira Bharamu, mwanakomana waBheori, wePetori, paMesopotamia, kuti akutuke. 5Asi Jehovha Mwari wako wakanga asingadi kuteerera Bharamu, asi Jehovha Mwari wako wakashandura kutuka akakuropafadza, nokuti Jehovha Mwari wako wakakuda. 6Haufaniri kuvatsvakira rugare kana mufaro, mazuva ako ose nokusingaperi.
7“Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako; haufaniri kusema muIjipiti, nokuti wakanga uri mutorwa iwe panyika yake. 8Vana vavo vavanoberekerwa parudzi rwechitatu, vangapinda paungano yaJehovha.
Pamisasa pagare pakanaka
9“Kana uchindorwa navavengi vako, unofanira kuzvichengeta pazvinhu zvose zvakaipa. 10Kana kuno mumwe pakati penyu usina kunaka nokuda kwezvakamuwira usiku, unofanira kubuda kunze kwemisasa, ngaarege kupinda pamisasa; 11zvino kana ava madekwana, unofanira kuzvishambidza nemvura; kana zuva ravira ungapinda hake pamisasa. 12Iwe unofanira kuva nenzvimbo kunze kwemisasa kwaungaenda. 13Unofanira kuva nechirayawo pakati penhumbi dzako dzokurwa nadzo; zvino kana woenda kunze, unofanira kuchera nacho, ndokuzofusira zvinobva kwauri; 14nokuti Jehovha Mwari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa vavengi vako mumaoko ako; naizvozvo misasa yako inofanira kuva mitsvene, kuti arege kuona chinhu chakaipa pakati penyu, akufuratire.
Mimwe mirairo
15“Usadzosera muranda kuna tenzi wake, wakatizira kwauri, achibva kuna tenzi wake; 16anofanira kugara newe, pakati pako, paanotsaura hake pakati perimwe ramasuo ako paanofarira; haufaniri kumumanikidza.
17“Hapafaniri kuva nechifeve pakati pavanasikana vaIsiraeri; uye hapafaniri kuva nemhombwe pakati pavanakomana vaIsiraeri. 18Haufaniri kuuya nomubayiro wechifeve, kana mutengo wembwa, muimba yaJehovha Mwari wako, kuti upike nawo; nokuti izvo zviviri zvose zvinonyangadza Jehovha Mwari wako. 19Usapa hama yako chikwerete, uchireva mhindu, iri mhindu yemari, kana yezvokudya, kana yechinhu chipi nechipi chinopiwa chichireva mhindu. 20Mutorwa ungamupa chikwerete, uchireva mhindu; asi haufaniri kupa hama yako chikwerete, uchireva mhindu; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pazvose zvaunobata namaoko ako, panyika yaunoenda kuti ive yenyu.
21“Kana ukapikira Jehovha Mwari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti zvirokwazvo, Jehovha Mwari wako uchaibvunza kwauri; zvingava zvivi kwauri. 22Asi kana ukarega hako kupika, hazvingavi zvivi kwauri. 23Uchenjere kuti uite sezvawakataura; sezvawapikira Jehovha Mwari wako, chiri chipo chokuda kwako, chawakapikira nomuromo wako. 24Kana ukapinda mumunda wemizambiringa wowokwako, ungadya mazambiringa sezvaunoda, ugute; asi haufaniri kuisa mamwe mumudziyo wako. 25Kana ukapinda muzviyo zvowokwako zvigere kukohiwa, ungavhuna hako hura noruoko rwako; asi haufaniri kucheka zviyo zvowokwako nejeko.

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 23: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda