Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 25

25
Kurohwa pakutongwa
1“Kana vanhu vakaita nharo, vakauya kutongerwa, vatongi vakavatongera, vanofanira kururamisira wakarurama, nokupa mhosva munhu wakatadza. 2Zvino kana wakatadza achifanirwa nokurohwa, mutongi anofanira kumutsivamisa pasi, agorohwa pamberi pake zvakaenzana nokutadza kwake. 3Anofanira kumurova kana makumi mana, haafaniri kupfuudza; kuti, kana akapfuudza, akamurova kupfuura ipapo kazhinji, hama yako irege kuzvidzwa pamberi pako.
4“Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.
Munhu anofa asina mwana
5“Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; mun'una womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita mun'una womurume. 6Zvino mwana wedangwe waachabereka, ndiye anofanira kupinda panzvimbo yomukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzima pakati paIsiraeri. 7Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuo ravakuru, agoti, ‘Mun'una womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita mun'una womurume.’ 8Zvino vakuru veguta rake vanofanira kumudana, vataure naye; kana akaramba, achiti, ‘Handidi hangu kumuwana’; 9mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, ‘Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.’ 10Zita rake muna Isiraeri rinofanira kunzi, ‘Imba yomunhu wakabviswa shangu yake.’
11“Kana varume vakarwa, mukadzi womumwe akaswedera kurwira murume wake paruoko rwaiye anomurova, akatambanudza ruoko rwake, akamubata pamberi, 12iwe unofanira kugura ruoko rwake, haufaniri kumunzwira tsitsi.
Zviyereso zvisinganyengeri
13“Haufaniri kuva nezviyereso zvisina kuenzana muhombodo yako, chikuru nechiduku. 14Haufaniri kuva nezviyero zvisina kuenzana mumba mako, chikuru nechiduku. 15Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. 16Nokuti vose vanoita zvinhu zvakadai, ivo vose vanoita zvisina kururama, vanonyangadza Jehovha Mwari wako.
Amareki anofanira kuparadzwa
17“Rangarira zvawakaitirwa naAmareki panzira, pakubuda kwenyu Ijipiti; 18kuti wakakuwira panzira, akaparadza vanhu vako vakanga vari shure, vose vakanga vasine simba, panguva yamakanga maziya nokuneta; iye wakanga asingatyi Mwari. 19Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakanganwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 25: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda