Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 9:10-19

Mabasa 9:10-19 SNA2002

Zvino paDhamasiko pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, anonyengetera; naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.” Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji; napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.” Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri; nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.” Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.” Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa; akadya zvokudya, ndokusimbiswa. Akagara navadzidzi paDhamasiko mamwe mazuva.

Verenga chikamu Mabasa 9