Mabasa 9
9
Kutendeuka kwaSauro
(Mabasa 22:6-16; 26:12-18)
1Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kumupristi mukuru, 2akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa.
3Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasiko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, 4akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”
5Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.” 6Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
7Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa izwi, asi vasingaoni munhu. 8Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko. 9Akaita mazuva matatu, asingaoni, asingadyi, asinganwi chinhu.
10Zvino paDhamasiko pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!”
11Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, anonyengetera; 12naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.”
13Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji; 14napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.”
15Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri; 16nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.”
17Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.”
18Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa; 19akadya zvokudya, ndokusimbiswa.
Akagara navadzidzi paDhamasiko mamwe mazuva. 20Pakarepo akaparidza Jesu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.
21Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”
22Asi Sauro akaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasiko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
Sauro anodzingwa paDhamasiko neJerusaremu
23Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuuraye. 24Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarindawo masuo masikati nousiku, kuti vamuuraye.
25Zvino vadzidzi vake vakamutora usiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.
26Zvino akati asvika Jerusaremu, akaedza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose, vasingatendi kuti ava mudzidzi. 27Zvino Bhanabhasi akamutora, akaenda naye kuvapostori, ndokuvarondedzera kuti akaona Ishe munzira, uye kuti akataura naye, uye kuti akaparidza nezita raJesu paDhamasiko asingatyi. 28Akagara navo paJerusaremu, achifambidzana navo, 29akaparidza nezita raIshe asingatyi. Akataura navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaedza kumuuraya. 30Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzakamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso.
31Zvino kereke yakanga ino rugare paJudhea rose, reGariria, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa naMweya Mutsvene.
Kuporeswa kwaEniyasi
32Zvino Petirosi akati achipota nyika kwose, akaburukirawo kuvatsvene vakanga vagere Ridha. 33Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa. 34Petirosi akati kwaari, “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwarire nhoo dzako!” Akasimuka pakarepo. 35Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
Kumutswa kwaTabhita parufu
36Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo. 37Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro. 38Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.” 39Ipapo Petirosi akasimuka, akaenda navo. Akati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguo, dzavakanga vaitirwa naDhokasi, achiri navo. 40Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara. 41Akamubata noruoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu. 42Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kuna Ishe. 43Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kuno mumwe Simoni, musuki wamatehwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 9: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002