Imomo muDhamasikusi maiva nomudzidzi ainzi Ananiya. Tenzi akati kwaari, muchiratidzo, “Ananiya,” iye akati, “Ndiri pano Tenzi.” Tenzi akati kwaari, “Simuka uende kumugwagwa unonzi Sitireti ubvunze pamba paJudhasi mumwe murume wokuTasusi anonzi Sauro. Izvozvi ari kutonamata uye aoneswa murume anonzi Ananiya achiuya achizoisa maoko ake paari kuti akwanise kuonazve.” Asi Ananiya akapindura achiti, “Tenzi ndakanzwa navazhinji nezvomurume uyu kuti zvakawanda sei zvakaipa zvaakaita kuvatsvene venyu kuJerusaremu. Iko kuno ane simba rinobva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodaidza zita renyu.” Asi Tenzi akati kwaari, “Enda zvako nokuti iye mudziyo wangu wokutakura zita rangu pamberi pevechirudzi napamberi pamadzimambo napamberi pavaIsiraeri, nokuti ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika zvakadiyi pamusana pezita rangu.” Naizvozvo Ananiya akaenda akasvikopinda muimba iyoyo. Akaisa maoko ake paari akati, “Hama Sauro, Tenzi Jesu akazvionesa panzira yawaiuya nayo andituma kuti ukwanise kuonazve uye kuti uzadzwe naMweya naMutsvene.” Pakarepo zvimwe zvinenge maranga zvakadonha mumaziso ake, akagona kuonazve. Akasimuka akaombekwa. Akadya akabva asimba.
Verenga chikamu Mabasa 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 9:10-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo