MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.” Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera. Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.” Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye nezvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.” Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pevedzimwe ndudzi napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri. Ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika sei nokuda kwezita rangu.” Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.” Pakarepo, zvinhu zvakaita samakwati zvakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa, uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba.
Verenga chikamu Mabasa 9
Terera ku Mabasa 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 9:10-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo