Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi, vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhori, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
Verenga chikamu 2 Timoti 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Timoti 2:20-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo