2 Timoti 2
2
1Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. 2Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe.
3Utambudzike pamwechete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. 4Hakuna munhu anorwa papfumo anozvipinganidza namabasa ohupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.
5Nemunhuwo kana achivhivhana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvhivhana sezvakarayirwa. 6Murimi anobata basa ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko. 7Funga zvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.
8Rangarira Jesu Kristu akamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza neVhangeri yangu; 9yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. 10Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwechete nokubwinya kusingaperi. 11Ishoko rechokwadi; “Nokuti kana tikafa pamwechete naye tichararamawo pamwechete naye. 12Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwechete naye; kana tikamuramba, iye achatirambawo. 13Kana isu tisakatendeka iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.”
Tinofanira kuita sei kuna vakarasika padzidzo
14Uvayeuchidze zvinhu izvi, uvarayire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo zvisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa. 15Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu akatendeka, mubati asingafaniri hake kunyadziswa, anonatsa kururamisa shoko rechokwadi. 16Nzvenga kutaura kusina hanya naMwari; nokuti vanhu vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari, 17neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kuna Himenayo naFireto; 18ivo vakarasika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuura, vachikanganisa kutenda kwavamwe. 19Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, “Ishe anoziva vanhu vake;” uye “Mumwe nomumwe anoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.”
20Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. 21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. 22Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. 23Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. 24Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, 25anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi, 26vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhori, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Timoti 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002