Muzimba hombe hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete asi mune yemiti neyevhu. Mimwe ndeyamazuva makuru, imwewo ndeyamazuva ose. Munhu akazvichenura kune zvinoshoreka anobva ava mudziyo wakakosha wamazuva makuru achiva mudziyo wakayereswa une basa, kumuridzi wemba, wakagarira basa ripi neripi rakanaka. Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka. Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava. Muranda waTenzi haafaniri kuva munhu wenharo asi kuva nomutsa kuvanhu vose ari mudzidzisi kwaye ano mwoyo murefu, anodzora vanorwisana naye nounyoro. Zvichida Mwari anovasvitsa pakutendeuka vakasvika pakuziva chokwadi vachigona kutopunyuka riva raDhiabhori ivo vambobatwa naye kuti vaite zvaanoda.
Verenga chikamu 2 Timoti 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Timoti 2:20-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo