2 Timoti 2:20-26
2 Timoti 2:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muimba huru mune midziyo kwete yegoridhe kana yesirivha chete, asiwo yamatanda, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakawanirwa basa naTenzi uye wakagadzirirwa basa rose rakanaka. Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara. Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi, uye kuti vachapengenuka vagopunyuka kubva mumusungo wadhiabhori, akavaita nhapwa kuti vaite kuda kwake.

2 Timoti 2:20-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena. Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi, vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhori, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
2 Timoti 2:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muzimba hombe hamuna midziyo yendarama neyesirivha chete asi mune yemiti neyevhu. Mimwe ndeyamazuva makuru, imwewo ndeyamazuva ose. Munhu akazvichenura kune zvinoshoreka anobva ava mudziyo wakakosha wamazuva makuru achiva mudziyo wakayereswa une basa, kumuridzi wemba, wakagarira basa ripi neripi rakanaka. Naizvozvo siyana nehavi dzevechiduku unangane noururami nechitendero norudo norugare pamwechete navanodaidza kuna Tenzi nemwoyo wakanaka. Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava. Muranda waTenzi haafaniri kuva munhu wenharo asi kuva nomutsa kuvanhu vose ari mudzidzisi kwaye ano mwoyo murefu, anodzora vanorwisana naye nounyoro. Zvichida Mwari anovasvitsa pakutendeuka vakasvika pakuziva chokwadi vachigona kutopunyuka riva raDhiabhori ivo vambobatwa naye kuti vaite zvaanoda.
2 Timoti 2:20-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino muimba huru hamunamidziyo yendarama neyesirveri ɓedzi, asi mimŋe yamatanda ʋo, neyevu; mimŋe inokudzwa, mimŋe isiŋgakudzwi. Naiɀoɀo kana munhu aciɀinatsa kwaɀo paɀinhu iɀi, ucaʋa mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutȿene, wakakwanira ɓasa raTenzi, wakagadzirirwa maɓasa ose akanaka. Asi tiza kuciʋa kwoʋujaya, uʋiŋge kururama, nokutenda, noruɗo, norugare, pamŋe cete naʋanoɗana kunaShe nomŋoyo wakacena. Asi urambe mibvunzo yoʋupenzi nokusaziʋa, uciziʋa kuti ɀinoɓereka kukakaʋara. Ɀino muranda waShe haafaniri kukakaʋara, asi aʋe munyoro kuʋanhu ʋose, unoziʋa kudzidzisa, unotsuŋgirira pakuitirwa ɀakaipa, unodzidzisa noʋunyoro aʋo ʋanomudziʋisa, kuti ɀimŋe Mŋari aʋape kutendeʋuka ʋagoziʋa ɀokwaɗi, ʋapeŋgenuke ɀe, ʋabve pamusuŋgo waDiaborosi, waʋakaŋga ʋakaɓatwa naye kuti ʋaite kuɗa kwake.
2 Timoti 2:20-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)