II Timotio 2
2
1Naiɀoɀo iwe, mŋana waŋgu, iʋa nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu. 2Iɀo ɀawakanzwa kwandiri pamberi peɀapupu ɀizhinji, uɀipe ʋanhu ʋakatendeka, ʋanogona ʋo kudzidzisa ʋamŋe. 3Utambudzike pamŋe cete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. 4Hakunomunhu unorwa papfumo unoɀipiŋganidza namaɓasa oʋupenyu bguno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. 5Nomunhu ʋo kana aciʋiʋana naʋamŋe, haashoŋgedzwi korona, kana asina‐kuʋiʋana seɀakarairwa. 6Murimi unoɓate‐ɓasa ndiye unofanira kutaŋga kudya ɀiɓereko. 7Fuŋga ɀandinoreʋa, nokuti Ishe ucakupa kunzwisisa paɀinhu ɀose. 8Raŋgarira Jesu Kristu wakamuka kuʋakafa, worudzi rwaDavidi, seɀandinoparidza paEvaŋgeri yaŋgu; 9yandinotambudzikira kuȿikira pakusuŋgwa somunyaŋgadzi; asi shoko raMŋari harinakusuŋgwa. 10Saka ndinotsuŋgirira paɀinhu ɀose nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa, kuti naiʋo ʋawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamŋe cete nokubginya kusiŋgaperi. 11Ishoko raɀokwaɗi; nokuti kana tikafa pamŋe cete naye, ticararama ʋo pamŋe cete naye. 12Kana tikatsuŋgirira, ticaɓata ʋushe pamŋe cete naye; kana tikamuramba, iye ucatiramba ʋo. 13Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haaŋgaɀirambi iye.
Tinofanira kuita sei kunaʋakarashika padzidzo.
14Uʋayeʋudzire ɀinhu iɀi, uʋaraire pamberi paMŋari, kuti ʋarege kuita nharo ɀisinamaturo, ɀinoŋgoparadza ʋanonzwa. 15Shiŋgaira kuti uɀiratidze pamberi paMŋari uri munhu wakatendeka, muɓati usiŋgafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko raɀokwaɗi. 16Nɀeŋga kutaura kusinehanya naMŋari; nokuti ʋacaramba ʋaciŋgonyanya pakusanamata Mŋari, 17neshoko raʋo ricanyeŋga seronda; pakati paʋo kunaHimenayo naFireto; 18iʋo ʋakarashika paɀokwaɗi, ʋaciti, kumuka kwaʋakafa kwatopfuʋura, ʋacikaŋganisa kutenda kwaʋamŋe. 19Kunyaŋge ɀakaɗaro, nheyo dzakasimba dzaMŋari dzinomira, dzinecisimbiso ici: Ishe unoziʋa ʋanhu ʋake; ʋuye: Mumŋe nomumŋe unoreʋa zita raShe ŋgaabve pakusarurama. 20Ɀino muimba huru hamunamidziyo yendarama neyesirveri ɓedzi, asi mimŋe yamatanda ʋo, neyevu; mimŋe inokudzwa, mimŋe isiŋgakudzwi. 21Naiɀoɀo kana munhu aciɀinatsa kwaɀo paɀinhu iɀi, ucaʋa mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutȿene, wakakwanira ɓasa raTenzi, wakagadzirirwa maɓasa ose akanaka. 22Asi tiza kuciʋa kwoʋujaya, uʋiŋge kururama, nokutenda, noruɗo, norugare, pamŋe cete naʋanoɗana kunaShe nomŋoyo wakacena. 23Asi urambe mibvunzo yoʋupenzi nokusaziʋa, uciziʋa kuti ɀinoɓereka kukakaʋara. 24Ɀino muranda waShe haafaniri kukakaʋara, asi aʋe munyoro kuʋanhu ʋose, unoziʋa kudzidzisa, unotsuŋgirira pakuitirwa ɀakaipa, 25unodzidzisa noʋunyoro aʋo ʋanomudziʋisa, kuti ɀimŋe Mŋari aʋape kutendeʋuka ʋagoziʋa ɀokwaɗi, 26ʋapeŋgenuke ɀe, ʋabve pamusuŋgo waDiaborosi, waʋakaŋga ʋakaɓatwa naye kuti ʋaite kuɗa kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
II Timotio 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018