Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Timotio 1

1
Kwasizo.
1Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, nokuɗa kwecipikirwa coʋupenyu bguri munaKristu Jesu, 2kunaTimotio, mŋana waŋgu unoɗikanwa: Nyasha, neŋgoni, norugare, ɀinobva kunaMŋar Ƃaɓa, naKristu Jesu, Ishe weɗu, ŋgaɀiʋe newe.
Timotio unorairwa kuti asimbe paɓasa rake.
3Ndinoʋoŋga Mŋari, wandinoshumira samadziteteguru aŋgu, nehana yakacena, kana ndiciramba ndicikuraŋgarira pakukumbira kwaŋgu ʋusiku namasikati, 4ndicishuʋa ɀikuru kukuʋona, ndiciraŋgarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro; 5ndiciyeʋudzwa kutenda kusiŋganyeŋgeri kuri mauri, kwaimbogara munambuya ʋako, ʋaRoisi, nomunamai ʋako, ʋaJuniki, kwandinoziʋa kwaɀo kuti kunogara ʋo mauri. 6Nemhaka iyi ndinokuyeʋudzira kuti ukucidzire cipiwa caMŋari ciri mauri nokuiswa kwamaʋoko aŋgu. 7Nokuti Mŋari haana‐kutipa mŋeya wokutya, asi wesimba, noworuɗo, nowokuɀidzora. 8Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari, 9wakatiponesa, akatiɗana nokuɗana kutȿene, ɀisiŋgabvi pamaɓasa eɗu, asi nokufuŋga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu ŋguʋa dzisati dzaʋa’po, 10asi kwakaratidzwa ɀino nokuʋonekwa kwoMuponesi weɗu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akaɓuɗisa pacena ʋupenyu nokusaʋora nenzira yeEvaŋgeri, 11yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi wayo. 12Nemhaka iyi ndinotambudzika ʋo neɀinhu iɀi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziʋa wandakatenda, ndinoziʋa kwaɀo kuti unogona kuceŋgeta candakamupa kuȿikira zuʋa irero. 13Ƃatisisa ɀawakaratidzwa ɀamashoko akarurama, iɀo ɀawakanzwa kwandiri mukutenda noruɗo ruri munaKristu Jesu. 14Ico cakanaka, cawakapiwa, uciceŋgete noMŋeya Mutȿene unogara matiri
15Unoɀiziʋa hako kuti ʋose ʋari paAsia ʋakandifuratira; pakati paʋo panaFigero naHermogene. 16Ishe ŋgaaitire imba yaOnesiforo ŋgoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asiŋganyadziswi neketani yaŋgu. 17Asi wakati aȿika Roma, akanditȿaka ɀikuru, akandiwana. 18(Ishe ŋgaamuitire cinhu ici kuti awane ŋgoni kunaShe nezuʋa irero); newe unoziʋa kwaɀo ʋukuru bgokushumira kwake paEfeso.

Zvasarudzwa nguva ino

II Timotio 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda