Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa. Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu; uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi. Nokuti kunongova naMwari mumwechete, noMureveri mumwechetewo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, akazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzazvo, icho chandakaitirwa muparidzi nomupostori (ndinoreva zvirokwazvo, handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda chokwadi.
Verenga chikamu 1 Timoti 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 2:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo