Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 2

2
Vanhu vose ngavanyengetererwe
1Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe; 2madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa. 3Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu; 4uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi. 5Nokuti kunongova naMwari mumwechete, noMureveri mumwechetewo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, 6akazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzazvo, 7icho chandakaitirwa muparidzi nomupostori (ndinoreva zvirokwazvo, handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda chokwadi.
Zvinofanira kuita vakadzi
8Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo. 9Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana mapera, kana nguo dzinodya mari zhinji; 10asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari. 11Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose. 12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.
13Nokuti Adhamu akatanga kuumbwa, tevere Evha; 14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi akanyengerwa akapinda pakudarika; 15asi achaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwechete nokuzvidzora.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Timoti 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda