Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti: madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose. Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu anoda kuti munhu wose aponeswe uye kuti azive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwechete uye kuno munhu mumwechete anobatanidza isu vanhu naMwari, munhu iyeyo ndiJesu Kristu. Akazvipira kuti ave chokutinunura nacho tose. Izvi zvakazopupurirwawo panguva yazvo. Izvozvi ndizvo zvandakasarudzirwa kuti ndive muparidzi nomupositori nomudzidzisi wevechirudzi muchitendero nomuchokwadi. Ndiri kutaura chokwadi handisi kureva nhema.
Verenga chikamu 1 Timoti 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Timoti 2:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo