Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekaria 8

8
Jehova ucaropafadza Jerusarema naʋanhu ʋake.
1Ɀino shoko raJehova wehondo rakaȿika kwandiri, riciti: 2Ɀanzi naJehova wehondo: Ndinegoɗo pamsoro peZioni, goɗo guru, ndinegoɗo pamsoro paro, dziri shuŋgu kwadzo. 3Ɀanzi naJehova: Ndadzokera paZioni, ndicagara pakati peJerusarema; Jerusarema ricanzi guta reɀokwaɗi, ʋuye gomo raJehova ricanzi gomo dɀene. 4Ɀanzi naJehova wehondo: Ʋatana naʋacembere ʋacagara ɀe munzira dzomuguta reJerusarema, murume mumŋe nomumŋe anomuɗonɀo wake nemhaka yokukwegura kwake. 5Nzira dzomuguta dzicazara naʋakomana naʋasikana ʋanotamba munzira dzaro. 6Ɀanzi naJehova wehondo: Kana ɀicishamisa pamberi paʋanhu aʋa ʋakasara namazuʋa iwayo, ko ɀiŋgashamisa pamberi paŋgu here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 7Ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicaponesa ʋanhu ʋaŋgu kunyika yamabvazuʋa, nokunyika yamaʋirira; 8ndicaʋaʋuyisa, ʋagare pakati peJerusarema; ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo neɀokwaɗi nokururama. 9Ɀanzi naJehova wehondo: Maʋoko enyu ŋgaasimbe, iyemi munonzwa mashoko awa mazuʋa ano pamiromo yaʋaprofita, ʋaiʋa’po nezuʋa rakateyiwa nheyo dzeimba yaJehova wehondo, iyo tembere, kuti iʋakwe. 10Nokuti mazuʋa iwayo asati aȿika, kwakaŋga kusinomuɓairo womunhu kana muɓairo weɀipfuwo; kwakaŋga kusinorugare kunowaiɓuɗa kana kunowaipinda, nemhaka yomudziʋisi; nokuti ndairwisanisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe nowokwake. 11Asi ɀino handicazoʋi kunaʋanhu aʋa ʋakasara sapamazuʋa akare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 12Nokuti mbeu yorugare icaʋa’po; muzambiriŋga ucaɓereka ɀiɓereko ɀawo, nyika icaɓereka ɀayo, ɗeŋga ricaɓuɗisa ɗoʋa raro; ʋanhu aʋa ʋakasara ndicaʋagarisa nhaka yeɀinhu iɀi ɀose. 13Ɀino seɀamaiʋa cinhu cakatukwa pakati pendudzi dzaʋanhu, imi imba yaJuda nemi imba yaIsraeri, saiɀoɀo ndicakuponesai, muʋe cinhu cinoropafadza. Regai kutya, asi maʋoko enyu asimbe. 14Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Seɀandakafuŋga kukuitirai ɀakaipa, ŋguʋa yandakatsamŋiswa namadziɓaɓa enyu, ini ndikasaɀiɗemba — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; 15saiɀoɀo ʋo ndakafuŋga mazuʋa ano kuitira Jerusarema ɀakanaka ʋuye neimba yaJuda ʋo; regai kutya. 16Heɀi ɀinhu ɀamunofanira kuita: Mumŋe nomumŋe ŋgaareʋe ɀokwaɗi kunowokwake; toŋgai neɀokwaɗi norugare mumasuʋo enyu; 17kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira wokwake ɀakaipa mumŋoyo make; musaɗa kupika kwenhema; nokuti ɀinhu iɀi ɀose ndinoɀiʋeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
18Ɀino shoko raJehova wehondo rakaȿika kwandiri, riciti: 19Ɀanzi naJehova wehondo: Kuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wecinna, nokuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wecishanu, nokuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wecinomŋe, nokuɀinyima ɀokudya nomŋedzi wegumi, ɀinofanira kuʋa kuimba yaJuda mufaro nokufarisisa, nemitambo inomufaro; saka iɗai ɀokwaɗi norugare. 20Ɀanzi naJehova wehondo: Ndudzi dzaʋanhu dzicaʋuya ɀe, naʋagere mumaguta mazhinji; 21ʋagere muguta rimŋe ʋacaenda kunerimŋe, ʋaciti: Hendei, ticimbidzike kundokumbira nyasha kunaJehova, tindotȿaka Jehova wehondo; neni ndicaenda ʋo. 22Ɀirokwaɀo, ndudzi zhinji dzaʋanhu namarudzi anesimba acaʋuya kuzotȿaka Jehova wehondo paJerusarema, nokukumbira nyasha kunaJehova. 23Ɀanzi naJehova wehondo: Namazuʋa iwayo ʋarume ʋanegumi pandimi dzose dzendudzi dzaʋanhu ʋacaɓata ŋguʋo yomunhu uri muJuda, ʋaciti: Ticaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mŋari unemi.

Zvasarudzwa nguva ino

Zekaria 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda