Zekaria 7
7
Jehova unotȿaka kururama.
1Ɀino negore recinna ramambo Dariusi shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria nezuʋa recinna romŋedzi wepfumbamŋe, iwo weKisrevi. 2Ɀino ʋanhu ʋeBeti‐eri ʋakaŋga ʋatuma Sharezeri naRegemi‐mereki, naʋanhu ʋaʋo, kundokumbira nyasha kunaJehova, 3nokutaura naʋaprista ʋeimba yaJehova wehondo, naʋaprofita, ʋaciti: Ko ndocema nomŋedzi wecishanu, ndiciɀiparadzanisa naʋamŋe, seɀandaiita makore awa mazhinji here? 4Ipapo shoko raJehova wehondo rakaȿika kwandiri, riciti: 5Taura naʋanhu ʋose ʋenyika ino, naʋaprista, uti: Ɀamaiɀinyima ɀokudya mucicema nomŋedzi wecishanu nowecinomŋe, makore ano anamakumi manomŋe, maitoŋgoɀinyima ɀokudya nokuɗa kwaŋgu, nokuɗa kwaŋgu here? 6Kana mucidya, kana mucinwa, hamuɀidyiri nokuɀinwira here? 7Ko haazi mashoko aJehova aakaɗanidzira naʋaprofita ʋakare, Jerusarema ricakagarwa naʋanhu ricinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi nenyika yamapani dzicinaʋanhu.
8Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria, riciti: 9Ndiɀo ɀakataura Jehova wehondo, aciti: Ruramisirai kwaɀo pakutoŋga, mumŋe nomumŋe aitire hama yake ʋunyoro netsitsi; 10regai kumanikidza cirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira hama yake ɀakaipa pamŋoyo pake. 11Asi ʋakaramba kuterera, ʋakabvisa fudzi raʋo, nokudziʋira nzeʋe dzaʋo kuti ʋarege kunzwa. 12Ɀirokwaɀo, mŋoyo yaʋo ʋakaiita sedaimani, kuti ʋarege kunzwa murairo namashoko akatumŋa naJehova wehondo noMŋeya wake naʋaprofita ʋakare; saka kutsamŋa kukuru kwakaɓuɗa kunaJehova wehondo. 13Ɀino seɀaakaɗana, iʋo ʋakaramba kunzwa, saiɀoɀo iʋo ʋacaɗana ʋo, ini ndiciramba kunzwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; 14asi ndicaʋaparadzira necampupuri pakati pendudzi dzose dzaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi. Naiɀoɀo nyika yakaʋa ɗoŋgo shure kwaʋo, kukasaʋa nomunhu wakaenda kana kudzoka noko; nokuti ʋakaparadza nyika yakaŋga icifadza.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekaria 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018