Zekaria 9
9
Kutoŋgwa kwendudzi dzaʋanhu.
1Cireʋo ceshoko raJehova pamsoro penyika yeHadraki, ʋuye paDamasko ndi’po paricagara; nokuti ziso raJehova rinotarira ʋanhu nendudzi dzose dzaIsraeri; 2ʋuye Hamati ʋo, rakaɓatana naʋo; ʋuye Tire neSidoni, nokuti ʋakacenjera kwaɀo. 3Tire rakaɀiʋakira nhare, rikaɀiʋuŋganidzira sirveri seguruʋa, nendarama yakaiȿo‐naka samatope ari munzira dzomumusha. 4Tarirai, Jehova ucarikunda, ucawisira simba raro muguŋgwa; ricapedzwa nomŋoto. 5Ashkeroni ricaɀiʋona, ndokutya; ʋuye Gaza ʋo, rikarwadziwa ɀikuru; ʋuye Ekroni, nokuti ricanyadziswa paneɀarakatarira; mambo ucaparara paEkroni, Ashkeroni hariŋgagarwi naʋanhu. 6Mŋanakomana woʋupombge ucagara paAshdodi, ʋuye ndicaparadza kuɀikudza kwaʋaFiristia. 7Ndicabvisa ropa rake mumuromo make, neɀinonyaŋgadza ɀake ɀiri pakati pameno ake; iye ʋo ucasarira Mŋari weɗu; ucaʋa somucinda paJuda, ʋuye Ekroni somuJebusi. 8Ndicakomberedza imba yaŋgu nemisasa ndidziʋirire hondo, kurege kuʋa nomunhu unopfuʋura napo kana kudzoka napo; hakuŋgazoʋi nomumanikidzi unofamba napo; nokuti ɀino ndaɀiʋona nameso aŋgu.
Mambo weZioni noʋushe bgake bgorugare.
9Fara kwaɀo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unoʋuya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unoɀininipisa, akataȿa mboŋgoro, iyo mhuru mŋana wemboŋgoro. 10Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika. 11Kana uri’we ʋo, nokuɗa kweropa resuŋgano yako, ndakasunuŋgura ʋasuŋgwa ʋako mugomba risinemvura. 12Dzokerai kunhare imi ʋasuŋgwa ʋanetariro; ikonhasi ndinokuʋudzai kuti ndicakupai migoʋe miʋiri. 13Nokuti ndakaɀikuŋgira Juda soʋuta, ndikaisa’mo Efraimi semiseʋe; ndicamutsa ʋanakomana ʋako, iwe Zioni, ʋarwe naʋanakomana ʋako, iwe Girisi; ndicakuita somunondo wemhare. 14Jehova ucaʋonekwa pamsoro paʋo, museʋe wake ucaɓuɗa semheni; Ishe Jehova ucaridza hwamanda, ucafamba neɀampupuri ɀinobva zasi. 15Jehova wehondo ucaʋadzitira; ʋacaparadza, ʋacatsika pasi mabge ecipfuramabge; ʋacanwa, ʋaciita ruzha saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ʋacazadzwa sembiya, samakona eartari. 16Jehova Mŋari waʋo ucaʋaponesa nezuʋa iro seɓoka raʋanhu ʋake; nokuti ʋacafanana namabge ekorona, anoʋaima kumsoro kwenyika yake. 17Nokuti kufara kwaʋo kucaʋa kukuru sei, nokunaka kwaʋo kucaʋa kukuru sei! Ɀiyo ɀicakurisa majaya, waini itȿa icakurisa mhandara.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekaria 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018