Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:17-32

Mapisarema 119:17-32 SUB1949

Itirai muranda wenyu ɀakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndicaceŋgeta shoko renyu. Ndiȿinudzei meso aŋgu, kuti ndiʋone Ɀinhu ɀinoshamisa ɀiri pamurau wenyu. Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundiʋanzira mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wapera nokushuʋa Paŋguʋa dzose ɀamakatoŋga. Makaraira ʋanoɀikudza, Ŋgaʋatukwe ʋanotsauka pamirairo yenyu. Bvisai kwandiri kushoʋorwa nokuɀidzwa; Nokuti ndakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Macinda ʋo akagara akandireʋa; Asi muranda wenyu wakafuŋgisisa mitemo yenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ʋo ɀinondifadza kwaɀo, Ndiɀo ɀinondipa mano. Mŋeya waŋgu unonamatira guruʋa; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakaɗudzira nzira dzaŋgu, imi mukandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yeɀireʋo ɀenyu; Ipapo ndicafuŋgisisa maɓasa enyu anoshamisa. Mŋeya waŋgu unonyuŋguruka nokuremerwa; Ndisimbisei seɀinorebga neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanaŋgura nzira yakatendeka; Ndakaisa ɀamakatoŋga pamberi paŋgu. Ndinonamatira ɀipupuriro ɀenyu; Jehova, regai kundinyadzisa. Ndicamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana muneŋge makurisa mŋoyo waŋgu.