Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu. Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu. Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu. Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu. Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano. Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Terera ku Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:17-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo