Itirai muranda wenyu zvakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndichachengeta shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau wenyu. Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundivanzira mirairo yenyu. Mweya wangu wapera nokushuva Panguva dzose zvamakatonga. Makaraira vanozvikudza, Ngavatukwe vanotsauka pamirairo yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa; Nokuti ndakachengeta zvipupuriro zvenyu. Machindawo akagara akandireva; Asi muranda wenyu akafungisisa mitemo yenyu. Zvipupuriro zvenyuwo zvinondifadza kwazvo, Ndizvo zvinondipa mano. Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakadudzira nzira dzangu, imi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa. Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu. Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa. Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa mwoyo wangu.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:17-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo