Mapisarema 119:17-32
Mapisarema 119:17-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Itirai muranda wenyu zvakanaka, ndigorarama; ndichateerera shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu kuti ndione. Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurayiro wenyu. Ndiri mutorwa panyika; regai kundivanzira mirayiro yenyu. Mweya wangu wapedzwa nokushuva mitemo yenyu nguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, avo vakatukwa, uye vanotsauka kubva pamirayiro yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa, nokuti ndinochengeta zvirevo zvenyu. Kunyange vatongi vachigara pamwe chete vachindireva, muranda wenyu achafungisisa mitemo yenyu. Ndinofadzwa nezvirevo zvenyu; ndizvo zvinondipanga mazano. Ndakaradzikwa pasi muguruva; chengetedzai upenyu hwangu sezvinoreva shoko renyu. Ndakarevazve nzira dzangu imi mukandipindura; ndidzidzisei mitemo yenyu. Itai kuti ndinzwisise zvirevo zvenyu; ipapo ndichafungisisa pamusoro pezvishamiso zvenyu. Mweya wangu waziya nokusuwa; ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu. Ndibvisei panzira dzokunyengera; ndinzwirei nyasha kubudikidza nomurayiro wenyu. Ndakasarudza nzira yechokwadi; ndakaisa mwoyo wangu pamurayiro wenyu. Haiwa Jehovha, ini ndichabatirira pazvirevo zvenyu; musandirega ndichinyadziswa. Ndinomhanya munzira yomurayiro wenyu, nokuti makasunungura mwoyo wangu.

Mapisarema 119:17-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Itirai muranda wenyu zvakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndichachengeta shoko renyu. Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau wenyu. Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundivanzira mirairo yenyu. Mweya wangu wapera nokushuva Panguva dzose zvamakatonga. Makaraira vanozvikudza, Ngavatukwe vanotsauka pamirairo yenyu. Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa; Nokuti ndakachengeta zvipupuriro zvenyu. Machindawo akagara akandireva; Asi muranda wenyu akafungisisa mitemo yenyu. Zvipupuriro zvenyuwo zvinondifadza kwazvo, Ndizvo zvinondipa mano. Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakadudzira nzira dzangu, imi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezvirevo zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa. Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu. Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa. Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa mwoyo wangu.
Mapisarema 119:17-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndibatei zvakanakisisa ini muranda wenyu kuti ndirarame ndichengete shoko renyu. Gimeri Zarurai meso angu kuti ndione zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu. Ndiri mweni panyika, musandiwanzire mitemo yenyu. Mweya wangu unosuwira kwazvo zvirongwa zvenyu panguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, vanhu vorushambwa, vanotetereka kubva pamitemo yenyu. Ndibvisireiwo kunyadziswa nokushorwa nokuti ndakachengeta mitemo yenyu. Kunyange machinda akagara pasi achindirangana, ini muranda wenyu ndicharangarira zvirevo zvenyu. Zvamakatema zvinondifadza, ndiwo makurukota angu. Ndinorara muhuruva, ndimutsurudzei neshoko renyu. Dareti Pandakareurura nzira dzangu makandipindura, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Itai kuti ndinzwisise mufambiro wemitemo yenyu; ini ndichanyatsofunga nezvamabasa enyu anoshamisa. Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ndichengetei ndirege kurasika, munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu. Ndakasarudza nzira yokutendeka, ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu. Ndinoti kwati kwati nezvamakatema, imi TENZI regai kuti ndinyadziswe. Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu kana mandipa kunzwisisa kwakawanda.
Mapisarema 119:17-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Itirai muranda wenyu ɀakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndicaceŋgeta shoko renyu. Ndiȿinudzei meso aŋgu, kuti ndiʋone Ɀinhu ɀinoshamisa ɀiri pamurau wenyu. Nokuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundiʋanzira mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wapera nokushuʋa Paŋguʋa dzose ɀamakatoŋga. Makaraira ʋanoɀikudza, Ŋgaʋatukwe ʋanotsauka pamirairo yenyu. Bvisai kwandiri kushoʋorwa nokuɀidzwa; Nokuti ndakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Macinda ʋo akagara akandireʋa; Asi muranda wenyu wakafuŋgisisa mitemo yenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ʋo ɀinondifadza kwaɀo, Ndiɀo ɀinondipa mano. Mŋeya waŋgu unonamatira guruʋa; Ndiponesei neshoko renyu. Ndakaɗudzira nzira dzaŋgu, imi mukandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yeɀireʋo ɀenyu; Ipapo ndicafuŋgisisa maɓasa enyu anoshamisa. Mŋeya waŋgu unonyuŋguruka nokuremerwa; Ndisimbisei seɀinorebga neshoko renyu. Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu. Ndakasanaŋgura nzira yakatendeka; Ndakaisa ɀamakatoŋga pamberi paŋgu. Ndinonamatira ɀipupuriro ɀenyu; Jehova, regai kundinyadzisa. Ndicamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana muneŋge makurisa mŋoyo waŋgu.
Mapisarema 119:17-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)