Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:17-32

Nziyo 119:17-32 SCLB

Ndibatei zvakanakisisa ini muranda wenyu kuti ndirarame ndichengete shoko renyu. Gimeri Zarurai meso angu kuti ndione zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu. Ndiri mweni panyika, musandiwanzire mitemo yenyu. Mweya wangu unosuwira kwazvo zvirongwa zvenyu panguva dzose. Munotsiura vanozvikudza, vanhu vorushambwa, vanotetereka kubva pamitemo yenyu. Ndibvisireiwo kunyadziswa nokushorwa nokuti ndakachengeta mitemo yenyu. Kunyange machinda akagara pasi achindirangana, ini muranda wenyu ndicharangarira zvirevo zvenyu. Zvamakatema zvinondifadza, ndiwo makurukota angu. Ndinorara muhuruva, ndimutsurudzei neshoko renyu. Dareti Pandakareurura nzira dzangu makandipindura, ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu. Itai kuti ndinzwisise mufambiro wemitemo yenyu; ini ndichanyatsofunga nezvamabasa enyu anoshamisa. Ndaparara nokusuruvara, ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ndichengetei ndirege kurasika, munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu. Ndakasarudza nzira yokutendeka, ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu. Ndinoti kwati kwati nezvamakatema, imi TENZI regai kuti ndinyadziswe. Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu kana mandipa kunzwisisa kwakawanda.

Verenga chikamu Nziyo 119