Ʋoŋgai Jehova, muɗane zita rake; Ziʋisai ɀaakaita pakati pendudzi dzaʋanhu. Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai maɓasa ake ose anoshamisa. Ɀirumbidzei muzita rake dɀene; Mŋoyo yaʋanotȿaka Jehova ŋgaifare kwaɀo. Tȿakai Jehova nesimba rake; Tȿakai ciso cake ŋguʋa dzose. Raŋgarirai maɓasa ake anoshamisa, aakaita; Ɀishamiso ɀake, neɀaakatoŋga nomuromo wake; Imi ʋana ʋaAbrahama, muranda wake, Imi ʋanakomana ʋaJakobo, ʋasanaŋgurwa ʋake. Ndiye Jehova Mŋari weɗu; Ɀaakatoŋga ɀiri pasi pose. Wakaraŋgarira suŋgano yake nokusiŋgaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi anecuru; Iyo suŋgano yaakaita naAbrahama, Nemhiko yake kunaIsaka. Akaɀisimbisira Jakobo, kuti uʋe mutemo, KunaIsraeri kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; Aciti: Ndicakupa iwe nyika yeKanani, Uʋe mugoʋe wenhaka yenyu
Verenga chikamu Mapisarema 105
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 105:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo