Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 6

6
Murairo waʋaNaziri.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana murume, kunyaŋge mukadzi, akaɀisuŋga nokupika kukuru, kupika kwomuNaziri, kuti aɀitsaurire Jehova; 3unofanira kuramba waini neɀinoɓata; haafaniri kunwa vinega yewaini, kana vinega yeɀinoɓata, ʋuye haafaniri kunwa muto wemizambiriŋga, kana kudya mazambiriŋga matȿa kana akawomeswa. 4Mazuʋa ose okuɀitsaura kwake haafaniri kudya cinhu cinobva pamuti womuzambiriŋga kubva paȿurwe kuȿika pamateko. 5Mazuʋa ose okupika kwake kuɀitsaura haafaniri kuʋeʋurwa musoro wake neciȿo; unofanira kuʋa mutȿene, nevudzi romusoro wake unofanira kurirega rireɓe, kuȿikira mazuʋa apera aakaɀitsaurira Jehova nawo. 6Ŋgaarege kusweɗera kucitunha mazuʋa ose aanoɀitsaurira Jehova nawo. 7Haafaniri kuɀiȿiɓisa nokuɗa kwaɓaɓa ʋake, kana nokuɗa kwamai ʋake, kana nokuɗa kwomunuŋuna wake, kana nokuɗa kwehanɀadzi yake, kana ʋafa; nokuti wakaɀitsaurira Mŋari. 8Mutȿene kunaJehova mazuʋa ose okuɀitsaura kwake. 9Kana munhu akafa kamŋe‐kamŋe pedyo naye, akaȿiɓisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo unofanira kuʋeʋura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wecinomŋe unofanira kuuʋeʋura. 10Nomusi worusere unofanira kuʋuya kumuprista nenjiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa pamukoʋa wetente rokusoŋgana; 11muprista agoɓayira imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, neimŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, amuyananisire ɀaakatadza nokuɗa kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo. 12Unofanira kutsaurira Jehova mazuʋa okuɀitsaura kwake, ndokuʋuya negwaiana regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cemhoȿa; asi mazuʋa okutaŋga haaŋgaʋereŋgwi, nokuti kuɀitsaura kwake kwakaŋga kwaȿiɓiswa.
13Ndiwo murairo womuNaziri, kana mazuʋa okuɀitsaura kwake aciŋge apera: Unofanira kuiswa kumukoʋa wetente rokusoŋgana; 14kuti ape Jehova cipo cake, cinoti gwaiana rimŋe, regondobge regore rimŋe, risina‐kuremara, ciʋe cipiriso cinopiswa, negwaiana rimŋe reshece regore rimŋe, risina‐kuremara, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe risina‐kuremara, ciʋe cipiriso cokuyananisa, 15neɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, neɀiŋgwa ɀiɗuku ɀoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa, ɀakazodzwa namafuta, necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa. 16Muprista unofanira kuʋuya naɀo pamberi paJehova, ndokugadzira cipiriso cake ceɀiʋi necipiriso cake cinopiswa; 17ndokuʋuya negondobge ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, pamŋe cete neɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; muprista unofanira kuʋuya ʋo necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 18Ɀino muNaziri unofanira kuʋeʋura musoro wake wakatsaurwa pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ndokutora vudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamŋoto uri pasi peciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa. 19Ɀino muprista unofanira kutora ɓandauko regondobge rakaɓikwa, neciŋgwa cimŋe ciɗuku cisina‐kuʋiriswa paɗeŋgu, necimŋe ciŋgwa citete cisina‐kuʋiriswa, ndokuɀiisa pamaʋoko omuNaziri, kana iye apedza kuʋeʋura musoro wake wakatsaurwa. 20Ɀino muprista unofanira kuɀizuŋguzira pamberi paJehova, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa; cinhu citȿene comuprista, pamŋe cete necityu cinozuŋguzirwa, neɓandauko rinosimudzwa; ɀino muNaziri uŋganwa waini. 21Ndiwo murairo womuNaziri pakupika kwake, necipo cake cokuɀitsaurira Jehova, ɀimŋe ɀaaŋgagona kuʋuya naɀo ɀisiŋgaʋereŋgwi; seɀaakapika, ndiɀo ɀaanofanira kuita nomurairo wokuɀitsaura nawo.
Kuropafadza kwomuprista.
22Jehova akataura naMosesi, akati: 23Taura naAroni naʋanakomana ʋake, uti: Munofanira kuropafadza ʋana ʋaIsraeri nomutoʋo uyu: Muti kwaʋari:
24Jehova akuropafadze, akuceŋgete;
25Jehova akuvenekere neciso cake, akunzwire nyasha;
26Jehova akusimudzire ciso cake, akupe rugare.
27Nokuɗaro ʋacaisa zita raŋgu paʋana ʋaIsraeri; neni ndicaʋaropafadza.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda