Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 7

7
Ɀipiriso ɀamacinda amarudzi anegumi namaʋiri.
1Ɀino nomusi Mosesi waakapedza kumisa tabernakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, neartari, nemidziyo yayo yose, wakati aɀizodza nokuɀitsaura, 2macinda aʋaIsraeri, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaʋuya neɀipo ɀaʋo; ndiʋo ʋaiʋa macinda amarudzi, ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋaʋanhu ʋakaʋereŋgwa; 3ʋakaʋuya neɀipo ɀaʋo pamberi paJehova, ɀinoti: Ŋgoro nhanhatu dzaiʋa namatente, nenzombe dzinegumi nembiri, macinda maʋiri aneŋgoro imŋe, mumŋe nomumŋe anenzombe imŋe; ʋakaʋuya naɀo pamberi petabernakeri. 4Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 5Gamucira iɀoɀo kwaʋari, kuti maɓasa etente rokusoŋgana aitwe naɀo; unofanira kuɀipa ʋaRevi, mumŋe nomumŋe ɀinoriŋgana maɓasa ake. 6Ipapo Mosesi akagamucira ŋgoro idzo nenzombe, akaɀipa ʋaRevi. 7Akapa ʋanakomana ʋaGershoni ŋgoro mbiri nenzombe inna, ɀakariŋgana maɓasa aʋo. 8Akapa ʋo ʋanakomana ʋaMerari ŋgoro inna nenzombe sere, ɀakariŋgana maɓasa aʋo, ʋacirairwa naItamari, mŋanakomana waAroni muprista. 9Asi haana‐kupa ʋanakomana ʋaKohati cinhu nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋaneɓasa reimba tȿene; ʋaifanira kuɀitakura pamafudzi aʋo. 10Macinda akaʋuya neɀipo ɀokutsaurira artari nomusi wayakazodzwa nawo, macinda akaʋuya neɀipo ɀawo pamberi peartari. 11Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ŋgaʋaʋuye neɀipo ɀaʋo ɀokutsaurira artari, mucinda mumŋe nomumŋe nomusi wake.
12Ɀino wakaʋuya necipo cake nezuʋa rokutaŋga wakaŋga ari Nashoni, mŋanakomana waAminadabi, worudzi rwaJuda. 13Cipo cake yakaŋga iri ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri#7:13 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 14nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 15nenzombe imŋe negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa, 16nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 17nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caNashoni, mŋanakomana waAminadabi.
18Nezuʋa repiri Netaneri, mŋanakomana waZuari, mucinda waIsakari, wakaʋuyisa cipo cake. 19Wakaʋuya necipo cake, caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 20nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 21nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 22nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 23nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caNetaneri, mŋanakomana waZuari.
24Nezuʋa retatu Eriabi, mŋanakomana waHeroni, mucinda waʋana ʋaZeburuni, wakaʋuya. 25Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 26nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 27nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 28nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 29nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caEriabi, mŋanakomana waHeroni.
30Nezuʋa recinna Erizuri, mŋanakomana waShedeuri, mucinda waʋana ʋaRubeni, wakaʋuya. 31Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 32nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 33nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 34nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 35nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caErizuri, mŋanakomana waShedeuri.
36Nezuʋa reshanu Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai, mucinda waʋana ʋaSimeoni, wakaʋuya. 37Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 38nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 39nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 40nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 41nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caSherumieri, mŋanakomana waZurishadai.
42Nezuʋa retanhatu Eriasafi, mŋanakomana waDeueri, mucinda waʋana ʋaGadi, wakaʋuya. 43Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 44nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 45nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 46nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 47nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caEriasafi, mŋanakomana waDeueri.
48Nezuʋa recinomŋe Erishama, mŋanakomana waAmihudi, mucinda waʋana ʋaEfraimi, wakaʋuya. 49Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 50nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 51nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 52nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 53nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caErishama, mŋanakomana waAmihudi.
54Nezuʋa rorusere Gamarieri, mŋanakomana waPedazuri, mucinda waʋana ʋaManase, wakaʋuya. 55Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 56nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 57nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 58nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 59nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caGamarieri, mŋanakomana waPedazuri.
60Nezuʋa repfumbamŋe Abidani, mŋanakomana waGideoni, mucinda waʋana ʋaBenjamini, wakaʋuya. 61Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 62nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 63nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 64nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 65nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAbidani, mŋanakomana waGideoni.
66Nezuʋa regumi Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai, mucinda waʋana ʋaDani, wakaʋuya. 67Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 68nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 69nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 70nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 71nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAhiezeri, mŋanakomana waAmishadai.
72Nezuʋa regumi nerimŋe Pagieri, mŋanakomana waOkrani, mucinda waʋana ʋaAsheri, wakaʋuya. 73Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 74nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 75nenzombe imŋe, negondobge rimŋe negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 76nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 77nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caPagieri, mŋanakomana waOkrani.
78Nezuʋa regumi namaʋiri Ahira, mŋanakomana waEnani, mucinda waʋana ʋaNaftari, wakaʋuya. 79Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu; 80nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira, 81nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa; 82nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 83nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAhira, mŋanakomana waEnani.
84Ndico cipo cokutsaurwa kweartari, nomusi wayakazodzwa nawo namacinda aIsraeri: Ndiro huru dzesirveri dzinegumi nembiri, nemidziyo yesirveri inegumi nembiri, nendiro dzendarama dzinegumi nembiri; 85ndiro imŋe neimŋe huru yesirveri yakaȿika mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe nomumŋe mashekeri anamakumi manomŋe; sirveri yose yemidziyo yose yakaȿika mashekeri aneɀuru ɀiʋiri namazana manna, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; 86nendiro dzinegumi nembiri dzendarama, dzakaŋga dzizere neɀinonhuwira, imŋe neimŋe yakaŋga inamashekeri anegumi, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ndarama yose yendiro yakaȿika mashekeri anezana namakumi maʋiri; 87nzombe dzose dzeɀipiriso ɀinopiswa dzakaȿika nzombe dzinegumi nembiri, namakondobge anegumi namaʋiri, namakwaiana amakondobge egore rimŋe anegumi namaʋiri, neɀipiriso ɀaɀo ɀoʋupfu; nenhoŋgo dzembudzi gumi nembiri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; 88nzombe dzose dzeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa dzakaȿika nzombe dzinamakumi maʋiri nenna, namakondobge anamakumi matanhatu, nenhoŋgo dzembudzi dzinamakumi matanhatu, namakwaiana amakondobge egore rimŋe anamakumi matanhatu. Ndico cipo cokutsaurwa kweartari, shure kwokuzodzwa kwayo. 89Ɀino Mosesi wakati apinda mutente rokusoŋgana, kuti ataure naye, akanzwa Inzwi ricitaura naye, ricibva pacifunhiro cokuyananisa, cakaŋga ciri pamsoro peareka yecipupuriro, ricibva pakati pamakerubi maʋiri: akataura naye.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda