Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 8

8
Mŋenje inotuŋgidzwa.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naAroni, uti kwaari: Kana ucimisa mŋenje, mŋenje minomŋe inofanira kuvenekera pamberi pecigadziko. 3Aroni akaita saiɀoɀo; akamisa mŋenje yaco, kuti ivenekere pamberi pecigadziko, seɀakarairwa Mosesi naJehova. 4Cigadziko cakaŋga cakaitwa kuɗai: Cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kuȿikira pasi paco napamaruʋa aco cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakakaŋga wakaratidzwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀaakaita cigadziko.
ƲaRevi ʋanotsaurwa.
5Jehova akataura naMosesi, akati: 6Bvisa ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, uʋanatse. 7Pakuʋanatsa unofanira kuʋaitira kuɗai: Sasa pamsoro paʋo mvura inosuka ɀiʋi, ugoʋaraira kuti ʋaʋeʋurwe muʋiri waʋo wose neciȿo, ʋasuke ŋguʋo dzaʋo, nokuɀinatsa. 8Ɀino ʋanofanira kutora nzombe ɗuku, necipiriso cayo coʋupfu, ʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; newe utore imŋe nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 9Ɀino uise ʋaRevi pamberi petente rokusoŋgana, ndokukoka ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri. 10Unofanira kuisa ʋaRevi pamberi paJehova, ʋana ʋaIsraeri ʋagoisa maʋoko aʋo pamsoro paʋaRevi. 11Ɀino Aroni unofanira kuzuŋguzira ʋaRevi pamberi paJehova, ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri, kuti ʋagare’po kuzoɓate‐ɓasa raJehova. 12Ɀino ʋaRevi ʋanofanira kuisa maʋoko aʋo pamisoro yenzombe ɗuku, iwe ugoɓayira Jehova imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, neimŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, kuti uyananisire ʋaRevi. 13Ɀino unofanira kuisa ʋaRevi pamberi paAroni naʋanakomana ʋake, ugoʋazuŋguzira ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa kunaJehova. 14Unofanira kubvisa ʋaRevi saiɀoɀo pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti ʋaRevi ʋaʋe ʋaŋgu. 15Ɀino shure kwaiɀoɀo ʋaRevi ʋanofanira kupinda kuzoɓate‐ɓasa patente rokusoŋgana; unofanira kuʋanatsa nokuʋazuŋguzira ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa. 16Nokuti ndakaʋapiwa ini cose pakati paʋana ʋaIsraeri; ndakaɀitorera iʋo panɀimbo yaʋose ʋanotaŋga kuzarura ciɀaro, iwo mataŋgwe aʋana ʋaIsraeri ʋose. 17Nokuti mataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri ndaaŋgu, kana aʋanhu, kana eɀipfuwo; ndakaɀitsaurira iwo nomusi wandakaʋuraya mataŋgwe ose munyika yeEgipita. 18Ndakatora ʋaRevi panɀimbo yamataŋgwe ose pakati paʋana ʋaIsraeri, 19Aroni naʋanakomana ʋake ndikaʋapa ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti ʋaɓate ɓasa raʋana ʋaIsraeri patente rokusoŋgana, nokuyananisira ʋana ʋaIsraeri, kuti hosha irege kuʋa’po pakati paʋana ʋaIsraeri, kana ʋana ʋaIsraeri ʋacisweɗera kuimba tȿene. 20Mosesi naAroni neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋakaitira ʋaRevi saiɀoɀo; ɀose seɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paʋaRevi, ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋaitira saiɀoɀo. 21ƲaRevi ʋakaɀinatsa paɀiʋi ɀaʋo, ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo, Aroni akaʋazuŋguzira pamberi paJehova ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa; Aroni akaʋayananisira kuti aʋanatse. 22Ɀino shure kwaiɀoɀo ʋaRevi ʋakapinda kuzoɓate‐ɓasa patente rokusoŋgana pamberi paAroni napamberi paʋana ʋake; seɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paʋaRevi, ndiɀo ɀaakaʋaitira.
23Jehova akataura naMosesi, akati: 24Ndiwo murairo waʋaRevi: Aʋo ʋaȿika pamakore makumi maʋiri namashanu, naʋanopfuʋura, ʋanofanira kupinda kuzorwa namaɓasa etente rokusoŋgana; 25asi kana ʋaȿika makore anamakumi mashanu ʋanofanira kurega ɓasa iri; haʋacafaniri kuɓata; 26asi ʋaŋgaɓatsirana haʋo nehama dzaʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋariceŋgete, asi ŋgaʋarege kuɓate‐ɓasa. Ndiɀo ɀaunofanira kuitira ʋaRevi pamsoro pamaɓasa aʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda