Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 5

5
Ʋasina‐kunaka ʋanofanira kugara kunze kwemisasa.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaɓuɗise pakati pemisasa ʋose ʋanamaperembudzi, naʋose ʋanehosha yokuyerera, naʋose ʋakaȿiɓiswa naʋakafa. 3Munofanira kuɓuɗisa ʋose, ʋarume naʋakadzi; muʋaɓuɗise kunze kwemisasa, kuti ʋarege kuȿiɓisa misasa yaʋo, yandigere pakati payo. 4Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; ʋakaʋaɓuɗisa kunze kwemisasa; seɀakataura Jehova naMosesi, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri.
Ɀakaɓiwa ɀinofanira kudzoswa.
5Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 6Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana murume kana mukadzi aciŋge atadza nokutadza kwaʋanhu, akatadzira Jehova, munhu uyu akaʋa nemhoȿa; 7ipapo unofanira kureʋurura ɀiʋi ɀake ɀaakaita, ndokuripira mhoȿa yake yose, aciwedzera ceshanu cayo, ndokupa iye waakatadzira. 8Kana munhu uyo asinehama, iŋgaripirwa pamsoro pemhoȿa iyo, muripo wemhoȿa, unoripirwa Jehova, unofanira kuʋa womuprista; kunze kwegondobge rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro. 9Neɀipiriso ɀinotsaurwa paɀinhu ɀitȿene ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀaʋanoʋuya naɀo kumuprista, ɀinofanira kuʋa ɀake. 10Ɀinhu ɀakatsaurwa ɀomunhu mumŋe nomumŋe ɀinofanira kuʋa ɀake; cinhu cipi necipi cinopiwa muprista nomunhu cinofanira kuʋa cake.
Kana murume aneshuŋgu nomukadzi wake.
11Jehova akataura naMosesi, akati: 12Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mukadzi womurume upi noupi akacinya, akamutadzira, 13mumŋe murume akaʋata naye, ɀikaʋanzwa kumurume wake, ɀikasazikanwa, iye akaȿiɓiswa, asi ʋakashaiwa capupu, naiye asina‐kuɓatwa aciita iɀoɀo: 14murume wake akaɓatwa nomŋeya weshuŋgu, akaʋa neshuŋgu nomukadzi wake, wakaȿiɓiswa; kana ɀimŋe akaɓatwa nomŋeya weshuŋgu, akaʋa neshuŋgu nomukadzi wake, usina‐kuȿiɓiswa; 15ipapo murume unofanira kuʋuya nomukadzi wake kumuprista, aciʋuya ʋo necipo cake pamsoro pake, cinoti, cegumi coʋupfu bgebari; haafaniri kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo; nokuti ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu, cipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza, cinoraŋgaridza ɀakaipa. 16Ɀino muprista unofanira kumusweɗedza, ndokumuisa pamberi paJehova. 17Ipapo muprista unofanira kutora mvura tȿene mumudziyo wevu, muprista agotora ʋo guruʋa riri pasi mutabernakeri, ndokuriisa mumvura. 18Ɀino muprista unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, ndokusunuŋgura vudzi romusoro womukadzi, ndokuisa cipiriso cokuraŋgaridza mumaʋoko ake, ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu; muprista ndokuɓata muruʋoko rwake mvura inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka. 19Ipapo muprista unofanira kumupikisa, aciti kumukadzi: Kana kusinomurume wakaʋata newe, kana usina‐kutsaukira kuneɀakaipa, uri pasi pomurume wako, usunuŋgurwe hako pamvura iyi inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka; 20asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukaȿiɓiswa, mumŋe murume asati ari murume wako aciŋge aʋata newe, 21ɀino muprista unofanira kupikisa mukadzi mhiko inoʋuyisa kutuka, muprista ndokuti kumukadzi: Jehova ŋgaakuite cipiko cemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehova aciwondisa hudyu yako nokuɀimbisa ɗumbu rako; 22mvura iyi inoʋuyisa kutuka icapinda muʋura bgako, ndokuɀimbisa ɗumbu rako, nokuwondisa hudyu yako; ɀino mukadzi unofanira kuti: Ameni, ameni. 23Ipapo muprista unofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inoʋaʋisa. 24Ɀino unofanira kunwisa mukadzi mvura inoʋaʋisa, inoʋuyisa kutuka; mvura inoʋuyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuʋaʋise. 25Ɀino muprista unofanira kutora cipiriso coʋupfu ceshuŋgu paruʋoko rwomukadzi, ndokuzuŋguzira cipiriso coʋupfu pamberi paJehova, ndokuʋuya naco kuartari; 26muprista ndokutora tsama imŋe yecipiriso coʋupfu, kuti ciʋe cokuraŋgaridza caco, ndokubgupisa paartari, ndokunwisa mukadzi mvura iyo pashure. 27Ɀino kana amunwisa mvura iyo, kana aciŋge aȿiɓiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inoʋuyisa kutuka icapinda maari, ikamuʋaʋisa, ɗumbu rake ricaɀimba, nehudyu yake icawonda; mukadzi uyu ucaʋa cituko pakati porudzi rwake. 28Asi kana mukadzi uyo asina‐kuȿiɓiswa, akanaka hake, ucasunuŋgurwa hake, akaʋa nemimba ɀe. 29Ndiwo murairo weshuŋgu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akacinya, akaȿiɓiswa; 30kana ɀimŋe murume aciŋge aɓatwa nomŋeya weshuŋgu, aneshuŋgu nomukadzi wake; ipapo unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, muprista agomuitira nomurairo uyu wose. 31Murume haaŋgaʋi nemhoȿa, asi mukadzi unofanira kuʋa nemhoȿa yake.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda