Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 16:11-19

Revitiko 16:11-19 SUB1949

Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nenzombe ɗuku yake yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire nayo, iye naʋeimba yake, aʋuraye nzombe yake yecipiriso ceɀiʋi; ipapo ŋgaatore haryana yeɀinonhuwira, izere namazimbe omŋoto uri paartari pamberi paJehova, namaʋoko ake azere neɀinonhuwira ɀakanaka ɀakakuyiwa, aʋuye naɀo mukati mecidzitiro; ɀino ŋgaaise ɀinonhuwira pamsoro pomŋoto pamberi paJehova, kuti gore roʋutsi bgeɀinonhuwira rifukidze cifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, kuti arege kufa; ɀino ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, kurutiʋi rwamabvazuʋa, nerimŋe ropa arisase nomunwe wake kanomŋe pamberi pecifunhiro cokuyananisa. Ipapo unofanira kuʋuraya mbudzi yecipiriso ceɀiʋi caʋanhu, ndokuʋuya neropa rayo mukati mecidzitiro, agoita neropa rayo seɀaakaita neropa renzombe, arisase pamsoro pecifunhiro cokuyananisa; unofanira kuyananisira ʋo nɀimbo tȿene nokuɗa kwokusanaka kwaʋana ʋaIsraeri, ʋuye nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo ɀose; saiɀoɀo unofanira kuitira ʋo tente rokusoŋgana rinogara naʋo pakati pokusanaka kwaʋo. Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri. Ipapo unofanira kuɓuɗa kuartari iri pamberi paJehova, agondoiyananisira; ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, nerimŋe ropa rembudzi, ariise panyaŋga dzeartari panhiʋi dzose. Rimŋe ropa ŋgaarisase kanomŋe pamsoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tȿene pakusanaka kwaʋana ʋaIsraeri.

Verenga chikamu Revitiko 16